‘ndakaitiswa mwana nababa’
‘. . . ndivo futi vakandisunungutsa’ ‘. . . imhiko dzekuti vaite mazimari’ Kingstone Mapupu — “NDIRI kurwadziwa manhi! Zvandakaitwa nababa —baba chaivo vekundibereka — zvinondirwadza. Kundiitisa mwana here ini…
Drip irrigation inorerutsa ndima
Buhle Nkomo — KETIE Chapata (43), uyo anove murimi wekumapurazi madiki neari pakati nepakati kuOdzi, kudunhu reManicaland anotaridza mufaro mukuru mushure mekunge aisirwa madiridziro edrip irrigation nemusi weChishanu chadarika.
Votemwa nematombo anopisa
Samuel Kadungure ari kuBUHERA — MUNYAYA inoita kunge bhaisikopu, imwe mhuri yekwaManjengwa, kuBuhera, inoti iri kugara ichitemwa nematombo anenge achipisa seari kubva muhovhoni asi vanhu vanoita izvi vasingaonekwe.
NePrime Seed Co unopura mari
Silas Mutota — KAMBANI yePrime Seed Co, iyo inotengesa mbeu dzemumabindu, inokurudzira varimi kuti varime mbeu dzakauchikwa. Mbeu idzi dzinopa murimi gohwo repamusoro uye mari yakawanda.
Mupfumira orumbidza Wua
Gamuchirai Muzanenhamu — GURUKOTA rinoona nezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Cde Prisca Mupfumira, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vawaniswe mikana yakaenzana nevanhurume yekudzidza kusvika kuzvidanho zvekumusoro-soro.
Akabatwa aine musoro wemunhu, une ndebvu
Richard Muponde ari kuGWANDA — MURUME ane makore 22 okuberekwa wekwaGaranyemba, kuGwanda akawanikwa aine musoro wemunhu une ndebvu pamwe nenhengo dzesikarudzi dzechirume, izvo anonzi akacheka pamutumbi wemurwere wepfungwa uyo waakaponda…
Vakadzi nevarume vopera . . .
— nyoka inoda ‘zvinhu’ — ‘Inoshinha nesu’ — ‘Tava kutozvida’ Kingstone Mapupu — VAKADZI nevarume vangangosvika 200 vekwaMambo Svosve, kuMarondera, vanonzi vari kuoneswa pfumvu nenyoka — iyo yavanoti inoda “zvinhu” samare vachiti…
Mazamu tugu, hupombwe hauna kuchipa
naIgnatius Mabasa — KANA ukadirwa mvura haurambe wakaoma. Zvinhu zvose zvatinoita zvine zvazvinokonzera, kufanana nekuti ukadyisa unozvimbirwa, unorwara kana kurutsa. Hakuna muchero unodonhera mudenga, uye hakuna muchero unodonhera kure
Zvinoitwa nevatambi
Munyaradzi Gunduza — 15. NDEZVIPI zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti nyaya iri muna Dare Retariro ifambire mberi? (a) Muchaneta (b) Moses (c) Sabhuku Sango (d) Mavis (e) VaSigauke. [25]










