‘Amai musanyebe imi makandivenga’
Lizzy Mushoriwa — MWANA wekumiswa mudare naamai vake achinzi anovarova nekuvatukirira anoti mashoko aya ndeemanyepo asi kuti amai ava vakamuvenga sezvo ari rovha.
Akaroverwa huni musango ‘rinoyera’
Muchaneta Chimuka — MURUME wekuChitungwiza akapihwa chirango chekunofondoka kwemaawa 105 pamhosva yekurova munhu waakaona achitema huni musango raanoti akaripihwa nevadzimu.
Satani ave kuno, kuGehena akatama
naIgnatius Mabasa — NDINOFUNGA kuti munonzwisisa kuti sei dzimwe nguva ndichozomboti Mwari misai nyika ndiburuke! Misoro yenhau dziri kuitika munyika inondikonzera kuwondomokera mukati setsime. Zvimwe zvinhu zvinoita kunge zvakaitika kune…
‘Gupuro wakandipa, hako, asi handiende’
Lizzy Mushoriwa — VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai akati haazi kuzobva pamba pemurume akamuramba ndokumupa gupuro sezvo asina kumwe kwekuenda.
Vanhukadzi vobatsirwa
Muchaneta Chimuka — HURUMENDE yakabatana nesangano reUNFPA nereUnited Nations Central Emergency Response Fund (CERF) mukubatsira vanhukadzi vari munzvimbo dzakasangana nemafashamu emvura nezvekushandisa zvinokosha US$198 000 muutano hwavo,
Ndiripowo pamamonya ipapo: Dj Kevie
Malven Mugadzikwa — SHASHA yemusambo weHip Hop neRnB, Calvin ‘DJ Kevie’ Makanyaire, anoti haazi kuzodzokera kumashure zvichitevera kufarirwa kuri kuitwa maRiddim aanobika nemazera akasiyana evanhu.
Uri baba pakudii?
NYAYA dzekushungurudzwa kwevanhukadzi mazuva ano dzinoratidza sedziri kuwanda uye dzimwe dzacho dzakadzama zvikuru.
‘Burai vana nyanzvi’
‘. . . vanosimudzira upfumi hwenyika’ Malven Mugadzikwa — MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vanoti zvikoro zvinofanira kubura vana vane ruzivo rwakadzama rwechizvino-zvino nechinangwa chekusimudzira upfumi hwenyika.
Zvinoreva mazita evatambi
Abel Ndooka — MAZITA emadunhurirwa evatambi venhabvu vakasiyana vemunyika muno ane zvaanoreva here uye ndiani anombovatumidza mazita aya?
Kunzwisisa pamusoro pegonorrhea
Zvichitevera chinyorwa chaive pamusoro pechirwere cheSyphilis chakaburitswa mubepanhau rino svondo rapera, sangano reNational AIDS Council (NAC) riri kutambira mibvunzo yakawanda pamusoro pezvimwe zvirwere zvepabonde.






