Machipisi ane soseji

MACHIPISI akasanganiswa nesoseji mudya ndakasungwa chaiwo.

Svondo rino mudzimai wechidiki, Fortunate Sungayi, uyo ari kuSouth Africa anotitsanangurira mabikirwo emachipisi ane soseji.

Zvinodiwa:

Mbatatisi, soseji, magaka, matomatisi, hanyanisi, munyu, mafuta nechip spice.

Mabikiro:

Menya mbatatisi wodzicheka muzvidimbu zvakareba.

Geza mbatatisi idzodzo wodzipukuta nejira rakachena.

Isa mafuta mupani, rega apise wozokanda mbatatisi dzaunenge wacheka shoma neshoma uchisiya dzatsvukira.

Kana dzaibva, chimwaya chip spice yaunoda.

Tora soseji woikanga nemafuta kusvikira yatsvukira.

Kana yaibva, ibvise mupoto woicheka nepakati.

Wozodii?

Kana wapedza, chigadzira salad yako kuburikidza nekucheka magaka, matomasi nehanyanisi wozvisanganisa.

Unogona kuita izvi uchiaronga zvakanaka mundiro kuti zvitaridzike zvakarurama. Mwaya twumunyu twushoma mumagaka iwayo pamwe nemumachipisi wozviruma hako rurimi nekunakirwa.

Kudya uku kunonaka zvikuru uye kunoda kuine chinwiwa parutivi kana mvura chaiyo.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×