Hautangire vakuru kunhonga nyama

. . . kana pakugeza mawoko zvimwe chete Muchaneta Chimuka — MBUYA Muchazivepi Muzavazi (66) vekuRushinga vabika sadza ravo rezviyo neusavi hwenyama yehuku iyo yavauraira kamuzukuru kavo Timmy (9). Vanopakura…

NetOne yoita basa sebasa

Abel Ndooka — KAMBANI yeNetOne yakaparura chirongwa che”Basa sebasa” icho chichaona vanhu vanosvika 20 000 – kunyanya vechidiki – vachipinzwa mabasa ekutengesa mitsara yemunharembozha (lines) pamwe chete neairtime, izvo zvinoenderana…

Inishuwarenzi yakakosha pakurima fodya

Buhle Nkomo — MVURA inonaya dzimwe nguva inenge iine chivhuramabwe nemupande wemheni uye zvose izvi zvinoshungurudza murimi sezvo zvichigona kuparadza zvirimwa zvake.

‘Koshesai tsika dzechivanhu’

Muchaneta Chimuka — GURUKOTA rebazi rinoona nezvekusimudzirwa kwemaruwa nekuchengetedzwa kwetsika dzechivanhu – Cde Abedinico Ncube, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze tsika nemagariro akanaka sezvo zviri izvo zvinoumba hunhu hunoyemurika.

Misodzi yemufaro neKwayedza

— Madzimai vakakumba mibairo yemucheno Muchaneta Chimuka — AKAVE makuwerere aiperekedzwa nemisodzi yemufaro nemusi weChishanu svondo rapera pakupihwa kwemibairo kumadzimai gumi nevaviri avo vakasvitsana kwamvura yacheka makumbo mumakwikwi eKwayedza African…

Makoronyera orongerwa

Muchaneta Chimuka — VARIMI vekuGokwe votenda zvikuru Hurumende nekuvagadzirira kwayakaita mizinda iri pedyo navo yekutengera chibage nedonje sezvo vamwe vavo vange vave kuzvitengesera kumakoronyera nemari iri pasi nekuda kwekudhura kwezvifambiso

Kana zvandibata . . .

‘ndinosanduka kuita senyoka’ ‘. . . ndichiona zvivanhu zvinenge zvimhuka’ Kingstone Mapupu — MUSIKANA anogara kuDema Phase 2, kwaSeke, anoti ashaiswa rugare nekurohwa nezvinhu zvisinganzwisisike uye anonzwa mazwi achibva mumhepo…

‘Hurombo hwandiita muranda’

Gamuchirai Muzanenhamu — CHIREVO chekuti hurombo huroyi chave kuzadziswa nenyaya yemumwe murume anoti mudzimai wake ave kumupomera mhosva yekuti anomushungurudza nekuda kwehurombo. Collen Makura akataura mashoko aya mudare reHarare Civil…

Kana ndanzwa kuda murume . . .

— ‘ndinotanangira hari’ — ‘Mushonga wandakapihwa namhamha’ Kingstone Mapupu — “JUJU” kana kuti mushonga wekusimbisa musha unonzi wapandukira imwe mhuri yekuGokwe, izvo zvave kuita kuti mudzimai wepo ati kana akanzwa kuda…

‘Ndichakuendera kuMoza’

Lizzy Mushoriwa — MUDZIMAI nyachide pabarika akaendesa vahosi kudare achiti vanogara vachimuudza kuti vachamuendera kunyika yeMozambique kunotsvaga mushonga wekuuraya mwana wake kuitira kuti arambwe nemurume.

×