‘Ndichakuendera kuMoza’

Lizzy Mushoriwa —
MUDZIMAI nyachide pabarika akaendesa vahosi kudare achiti vanogara vachimuudza kuti vachamuendera kunyika yeMozambique kunotsvaga mushonga wekuuraya mwana wake kuitira kuti arambwe nemurume.

Ashgirl Chipayi akaudza dare reHarare Civil Court kuti Jessica Tsumba amushaisa rugare.

“Changamire, ndinokumbira kuti amai ava vasandituka, kundityisidzira uye kuuya kumba kwangu. Vanondituka vachiti ndakatora murume wavo asi ini ndakangopfimbwawo nemurume wavo ndikabvuma, saka ava wedu tose,” anodaro Chipayi.

Anoti Tsumba anogara achimuudza kuti anoda kumuendera kuMozambique kunotora mushonga wekuti amuurayire mwana agozorambwa nemurume.

“Maiguru vanogara vachindiudza kuti vanoda kuenda kuMozambique kunotora mushonga wekuti vauraye mwana wangu kuti ndigorambwa nemurume, saka ndava kutya kuti mwana wangu anogona kungouraiwa nekuti vane shanje,” anodaro.

Tsumba akapikisana nemashoko aChipayi achiti: “Ini amai ava handivatuke kana kuvatyisidzira uye handina zvakawanda zvandingataura nekuti ivo nemurume wangu vane mwana vese, saka ndongoteedzera chero zvamataura.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chipayi gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×