Ndinokiya varume: madzibaba‘. . . unza makii kana zvipfeko’ ‘. . . ndine 100 zvinhu muhari’

Kingstone Mapupu MURUME wekuChitungwiza uyo anozviti muporofita, ari kushandira vanhu nemumwe mutoo — ane mazikii aanoti ane simba rekukiya “zvinhu” zvemurume kana mukadzi anoita zveupombwe achizozvichengetera mumazihari ake zvekuti muridzi…

Murume akagadzikwa mudhishi . . .mudzimai apa chikomba mota

Kingstone Mapupu MURUME wekuNorton, uyo wekutengera mudzimai wake nemhuri motokari yekuti vashandise apo iye aive kuBotswana kwaanoshandira, akagurwa kunorira sezvo mukadzi uyu akazopa mota iyi kuchikomba chake icho change choita…

Kamwana (5) kane njere dzeGrade 3…Akacharikiswa Grade 1 ne2

Muchaneta Chimuka KAKOMANA kekuEpworth, muHarare, kane makore mashanu ekuberekwa kari kushura mare nekugona muchikoro izvo zvaita kuti katenderwe nebazi redzidzo repuraimari nesekondari kuti kacharike kubva kuEarly Childhood Development (kireshi) kuenda…

Swansea yotyira Llorente

MURAIRIDZI weSwansea – Paul Clement – anoti aityira zvikuru kuti Chelsea ingaedze kutenga mutambi wayo, Fernando Llorente, kubva kuchikwata chake muna Ndira adarika. Izvi zvinotevera mamwe mashoko aitenderera ekuti mutambi uyu…

Mahwindi aitamba zvinyadzi

Kingstone Mapupu MAHWINDI ekuita musarinya wekuimba nekutamba zvinyadzi vakatakura chitunha chemumwe wavo panzvimbo yemabhizimusi kwaMusonza, kuGoromonzi, vakazviparira ndokuguma vamiswa mudare rasadunhu weko. Hama dzemushakabvu dzakapindawo mudare raSadunhu Musonza

Akpom akakwereteswa

CHUBA Akpom akatumirwa kuBrighton, chikwata icho chinokwikwidza muChampionship nechikwereti kubva kuArsenal kusvika pakupera kwemwaka uno. Mutambi uyu, uyo ane makore 21 okuberekwa, akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Brentford, Coventry neNottingham

Akabatsira murume kubhinya kamwana

Muchaneta Chimuka MUKADZI nemurume vekwaSeke vakamiswa mudare redzimhosva vachipomerwa kubatsirana kubata chibharo kamuzukuru kemudzimai uyu, ako kane makore 10 ekuberekwa. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Yeukai Chigodora, akati vaviri ava (mazita…

$7 yemwana pamwedzi

Trymore Muvhawa VAMWE samusha vakashamisa vanhu vaive mudare apo vakati vanokwanisa kubhadhara $7 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo vachiti ndiyo inokwanirana nezvaanoda. Artwell Kundishora akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure…

Selbourne Primary: Unozodei? -Bhazi rechikoro ravapo -Ma’prefects’ akagadzwa

Trymore Muvhawa AKANGE ari makuwerere pachikoro cheSelbourne Routledge Primary, icho chiri muHarare, svondo rapera apo paipembererwa bhazi idzva pamwe nekugadzwa kwevatungamiririri vevana – maprefects. Vachitaura pagungano iri, mukuru wechikoro ichi, Mai…

O-LEVEL — Mutakunanzva wenhetembo: Kurwadzisa vakadzi

7. Sarudza nhetembo shanu dzinoburitsa zvinoshungurudza madzimai kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo asi dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana. Zvino chitsanangura zvinhu zvitatu zvinoburitswa mudetembo rega rega. [25]

×