Us$4m yekurwisa hiv, nzara muZim
Muchaneta Chimuka — HURUMENDE yeUnited States yakapa rubatsiro rweUS$4 miriyoni kuZimbabwe yekusimudzira utano hwevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV nevaya vakatarisana nenzara kumativi mana enyika.
‘Kupfuya matoki kwaane mari’
Kingstone Mapupu — SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) rinoti zvakakokosha kuti vaite mabhinduko akasiyana anosanganisira kupfuya matoki nezvimwe zvipfuyo zvidiki sezvo vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri.
Mutambo wekarate worongwa
Abel Ndooka — SANGANO reZimbabwe Karate Union rinoti riri mushishi kutsvaga mari yekuronga mutambo we1st So-Kyokushin International Karate Tournament uyo uchaona vatambi vedzimwe nyika vachiuya kuzokwikwidza muno.
Kutyorwa kunoitwa kodzero dzevanhu
Munyaradzi Gunduza — SVONDO rino tinoenderera mberi nekupedzisa mamwe madingindira anowanikwa munyaya iyi.
muporofita anokurunga muteuro nenhengo yake
Kingstone Mapupu — MAMBO Murambwa vekuMhondoro-Ngezi, kuMashonaland West, vanoti dare ravo richatonga mumwe muporofita ari kushandira mudunhu iri — uyo ari kupomerwa kuita mashura pajekerere apo anonzi akanyika nhengo yake…
Mazai anoita kunaya mumba
Freedom Mupanedemo — IMBOFUNGA izvi. Wakatandara hako nemhuri yako mumba menyu nguva dzemanheru mapedza kudya. Munozongoona mazai ehuku mambishi akawanda achidonha kubva mudenga remba asi musingaone paanenge achibva. Mazai ehuku…
Toenda kusarudzo, tinozvireva!
MWAKA wesarudzo wadongorera. Nokuti 2018 ndimangwana chaiye, saka Mukwende afunga kuti titange tamboyeuchidzana kuti chinonzi sarudzo chii. Kana uchisarudzwa, unosarudzwa kuti umirire ani; uyewo, kuti kana zvichinge zvazopera pane nhaka…
Warriors: Toringepi?. . . Zim inoda murairidzi wekupi?
Abel Ndooka KUBURITSWA kwakaitwa maWarriors muboka rawo kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon) uyo uri kutambirwa kuGabon kwamutsa makakatanwa makuru pamusoro pevarairidzi vanokodzera kutungamira chikwata ichi apo vamwe vari kuti…
Voitwa chingochani nezvidhoma
Kingstone Mapupu VARUME vaviri vekuDomboshava — avo vanova mukoma nemunin’ina — vanoti vaoneswa pfumvu nekuitwa chingochani nezvikwambo izvo zvavanoti ndizvo zviri kuvatadzisa kuroora. Blessing Mandaza (24) naBrian Mandaza (21) vemubhuku…
‘Ndiko kuti munhu apfidze’
Munyori weKwayedza VAMWEWO vanhu vanopa mafungiro akasiyana panyaya yekusunga murume kana mudzimai anenge ari muwanano kuti asazoita chipfambi. Mumwe chiremba wechivanhu — Mbuya Marita Ried — vanoshora tsika iyi vachiti hazvina…







