Kwayedza: Mbiri kuvaverengi
NEMUSI weChipiri svondo rapera, ongororo yeZimbabwe All Media Products Survey (ZAMPS) yakaburitsa zviri pamusoro pemapepanhau nevaverengi vawo, nhepfenyuro nevatereri vadzo nezvimwewo. Chokwadi chave kuzivikanwa! Bepanhau revanhu reKwayedza rakaiswa
Vanogona kusaroora zvachose’
Munyori weKwayedza MUKURU wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), VaFriday Chisanyu, vanoti dambudziko revarume ava rinofanirwa kugadziriswa nekukasika vasati vatadza kuita vana zvachose. “Varume ava vanoda kubatsirwa nekuti vachakanganisika pakurarama
Vatambi vetsiva vosimudzirwa
Abel Ndooka SANGANO reBox Africa Limited rinoti riri kushanda nesimba mukusimudzira vatambi vetsiva vatsva vemuboka reamateur nechinangwa chekuti vazokwanisa kukwikwidza mumakwishu makuru emuAfrica neepasi rose. Svondo radarika, sangano iri rakatumira mutambi…
‘Jeri rikange nani’
Trymore Muvhawa naTafadzwa Mutsotso MUKADZI wemuHarare anoti ari kushungurudzwa nemurume wake zvikuru zvekuti anoona kugara mujeri kuri nani pane ndondo yaari kuoneswa. Caroline Moyo akaendesa murume wake — Shame Gatsi —…
Vechidiki ngavatsigirwe mumimhanzi: Mahachi
Abel Ndooka VAIMBI vane mukurumbira vokurudzirwa kuti vabatsire pamwe nekutsigira vamwe vechidiki vachiri kusimukira sezvo izvi zvichibatsira zvikuru mubudiriro yeindasitiri yemimhanzi. Kurudziro iyi yakaitwa naTatenda Mahachi uyo anove muimbi wemusambo wechitendero…
‘Mhanzi inoda hushingi’
Abel Ndooka MUIMBI wemusambo wesungura ari kusimukira, Knowledge Sangurani, anoti indasitiri yezvemimhanzi inoda hushingi sezvo iine zvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira kunetsa kwemari yekutsikisa nekutengeswa kwemimhanzi pamisika yemikoto.
GRADE 7: Rondedzero chii?
Ticha danga RONDEDZERO chinyorwa chakapapata chichiyerera kubva kunhanganyaya kusvika kumhedziso. Rondedzero iyoyo inonyorwa iri muzvikamu zvinonzi ma“paragraph”. Inonyorwa yakati nhanganyaya (introduction) kozoti mutumbi (body) kuchiuya mhedziso (conclusion). Chinyorwa ichi
Tabhu tundu nenhamo
MAMWE madhiri anenge shiri. Paye paunenge uchifunga kuti waribata zvekuti wabuda nenyika, dhiri racho rinobva rabhururuka. Asi uchenjere kuti parinobhururuka rinogona kusiya rakuitira matoto anoyerera sedzihwa, uye agosiya hupenyu hwako…
‘Kupfuya tsuro kune pundutso’
Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira varimi vanopfuya tsuro nembira munyika reRabit Producers Association of Zimbabwe rokurudzira kuti vapinde mubasa rekupfuya tsuro senzira yekuvandudza mabasa avo. VaJonathan Tembo vanova sachigaro wesangano iri vanoti…
Mabikirwo echimodho
CHINGWA chechimodho icho chinobikwa negorosi chinonaka uye chinogutsa zvikuru, kunyanya kuvanhu vanoshanda mabasa makuru sekurima. Svondo rino Mai Mawadza Kunhedziwa vekuChimanimani vanorondedzera mabikirwo echingwa ichi.






