Kuti mutambo ufambire mberi

Munyaradzi Gunduza 8. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti mutambo Kereke Inofa ufambire mberi? (a) Gift Mwenje (b) Mary (c) Beauty  (d) Joram (e) Susan. [25]

Zvinoitika: Dr Manangazira

MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (director of epidemiology and disease control), Dr Portia Manangazira, vanoti zvinoitika kuti mwana anokwanisa kuzvarwa aine mazino, mazamu kana dzimwe nhengo dzemuviri…

Vana vakaitirwa mabiko

ZVAKAKOSHA kuti veruzhinji vacherechedze kodzero dzevanhu vakaremara mitezo pamwe nekusavasarura. Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemumiriri wevakarema mitezo (Disabled Representative) mudare reSenate, Senator Annah Shiri, pamabiko akaitirwa vana vakaremara pamwe chete…

Cottco yopa varimi US$1,1 miriyoni

KAMBANI yeCottco Zimbabwe yakakwanisa kuunganidza mari inosvika US$1,1 miriyoni yekuti inge ichitunzvaidza varimi nekuvawedzera mari yavanobhadharwa mushure mekutengesa donje senzira yekuvasimudzira.

Vhenekwai gomarara nenguva: Hurumende

MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi reutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanoti zvipatara zvinorapa gomarara zvichiri zvishoma kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevarwere vanoda kubatsirwa.

Zororo riri kudenga!

NYIKA yese vana inongove, “Mvura naya-naya, tidye mupunga; Mvura naya-naya tigodya mapudzi!” Kana uri mupunga, kwangove kungoimbawo nokuti vafinhwa nawo. Vana amai zvimwe munozonyanyawo kani! Pamwe mapudzi vangatoashuvira, ndokunge vazhinji vachiaziva.

Oti mukadzi ndiye akauraisa mwana

Trymore Muvhawa— MURUME wekuenda kudare achida kupihwa mvumo yekugara nevana vake akadya magaka mambishi achiti hazviite kuti vagare neaimbova mudzimai wake uyo waanopomera kuti akakonzera rufu rwemumwe mwana wavo uye…

‘Ndakarohwa nemukuwasha’

MUKUWASHA anonzi akazvindikita ambuya vake apo ainge arambidzwa kutora mwana wake nechisimba uyo wavakatanga kuchengeta aine mwedzi nesvondo rimwe chete asunungukwa mushure mekufa kwaamai vake.

Tezvara, muroora ‘mwaaa’

‘Tave kutopengesana moto’ ‘Zvekunyarana zvatokapera’ MURUME wekuChiweshe apengesana murudo nemuroora wake — mukadzi wemwana wake chaiye —zvekusvika pakutiza mudzimai nemwanakomana wake, vaviri ava vachinogara semurume nemukadzi kumafuramhepo muHarare.

Rumbie Zvirikuzhe oshuvira kuve ticha

SHASHA yekuimba nziyo dzechitendero, Rumbie Zvirikuzhe, anoti ari kuita zvidzidzo zvehurairidzi sezvo aine chishuwo chekusimudzira fundo yemunyika kuburikidza nekuzodzidzisa vana muzvikoro mune remangwana.

×