MaANSA ambomiswa

SANGANO reSports and Recreation Commission rinoti mabiko eAnnual National Sports Awards ayo aifanirwa kuitwa svondo rapera neChitatu akambomiswa uye ave kuitwa gore rinotevera musi wa20 Ndira.

Kuroodza pwere bodo: Mapositori

Trymore Muvhawa— SANGANO reApostolic Women Empowerment Trust (AWET), iro rinorwisa nenyaya dzemhirizhonga mudzimba pamwe nekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera, rinoti vanhu vanoshungurudza vanhukadzi vanofanirwa kurangwa zvakaomarara nemutemo.

Zimukonde retsvina yemunhu pamusiwo

. . . zinyoka ndokumupindira mumba Tafadzwa Mutsotso— PANE mukuwasha anoti akafumoona zimukonde retsvina yemunhu pamusuwo pemba yake pamwe chete nenyoka yaive mumba mumazuva akatevedzana mushure mekunge aendesa gupuro rekuramba…

Mwana wekufirwa odzingwa pamba

Trymore Muvhawa— MUKOMANA wekuDomboshava anoti babamukuru vake vari kumudzinga pamusha paakasiiwa ari nababa vake, avo vakashaya, vachimuti haazi mwana wepo asi kuti mubvandiripo.

Anodyiwa haataure

Trymore Muvhawa— MUKOMANA nemusikana vekumbopengesana murudo vakazonyandurana zvekusvitsana kumatare edzimhosva muchinda uyu ave kuda kudzoserwa mari yaanoti akamukweretesa pavaidanana.

‘Aya ndiwo mashura’

NYANZVI mune zvechivanhu dzinoti zvinoshura kuti mwana azvarwe aine mazino kana mimwe mitezo yemuviri isingaenderani nezera rake.

Akadashurwa nemudzimai

HARAHWA ine makore 60 ekuzvarwa, iyo yakarikitwa kurohwa nanyachide wayo mushure mekunge vatadza kunzwisisana, yakazotizira kumatare edzimhosva.

Mombe dzofa kuMasvingo

ZVIPFUYO zvevarimi vekuBuhera, nekuMasvingo zvatarisana nedambudziko rakafanana – mafuro ava mashoma izvo zvava kuita kuti zvimwe zvipere kufa nenzara.

Kudhakwa seshiri yakafira mumvura

URI kumhanyira kunonwa paKirisimasi kunge mombe yanga yafa nenyota yave kusvika parukova. Mombe yanga yafa nenyota inosvikopinda mumvura yotanga kunwa seichasiya rukova rwapwa.

Kuyaruka pfungwa

Ticha Danga— MUCHIKAMU chadarika hatina kuzokwanisa kupedza chikamu kana kuti danho repiri rekuyaruka nekukura kwepfungwa (cognative development).

×