Musatidherere: Zvirekwi
. . .‘MaWarriors tagadzirira Afcon’ MUTAMBI weCAPS United nemaWarriors, Hardlife Zvirekwi – uyo akahwina mubairo weCastle Lager Premier Soccer League Player of the Year – anoti zvikwata zvekune dzimwe nyika…
Kurima mapfunde neSeed Co
Charles Munyoro— MAPFUNDE chirimwa chinotivirira mukushomeka kana kushaikwa kwemvura nekupisa kwezuva zvakanyaya. Nekudaro, ichi chirimwa chinokurudzirwa zvikuru kuti chirimwe kunzvimbo dzinonaya mvura shoma nekunopisa.
Zondo renguruve kunaka!
Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka— MAZONDO enguruve kudya kunovaka muviri sezvo maari muchinzi munowanikwa zvakaita semapuroteni uye vamwe vanoti anosimbisa tsinga dzemusana, kunyanya muto wacho.
Zvirwere zvinobata huku
BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo, reVeterinary Services Department, rinoyambira varimi vanopfuya huku nezvimwe zviri muchikamu cheshiri kuti vagare vaine ruzivo pamusoro pemhando dzezvirwere zvinobata zvipfuyo izvi nekuti zvinorapwa nekudzivirirwa sei.
Musadherere Sungura: Kumene
MUIMBI wesungura, Lucky Kumene, anoti musambo uyu ndiwo ucharamba uri pamusoro pemimwe yose nekuti vaimbi vacho vari kutsikisa mhanzi inodakadza zvikuru.
Akazvara chuma nepfumo
. . . ambogeza nababa vake vose vari musvo MUKADZI wechidiki wemuHarare anoti akaita mimba ndokuzobara chuma chaive nekapfumo kadiki pakati mushure mekunge iye nababa vake mbune vatanga vambogeza muviri…
Ndakatamba nenguva: Boateng
AIMBOVE mutambi weAC Milan neTottenham, Kevin-Prince Boateng, akataura pamusoro penguva iyo akaparadza mari yake nekutenga motokari dzakawanda pamwe nekuswera ari mumabhawa nevanhu vaimunyepera kuti ishamwari dzake.
Vechidiki vakapa ropa
CHIKWATA chevechidiki vakazvipira kupa ropa rekubatsira varwere muzvipatara, chePledge 25 Club, nguva yadarika chakapa ropa rinosvika 820 units, rinova rakasara nepadiki-diki kuti vasvitse 900 units hunova huwandu hwavanotarisirwa kupa munyika…
CUMA yosimudzira zvidzidzo zvenhabvu
CHIKWATA chenhabvu cheCUMA Football Academy icho chiri kuKadoma chinoti chakazvipira kubatana nezvikoro mukusimudzira zvidzidzo, zvikuru mumitambo yakaita senhabvu sezvo vamwe vadzidzi vachikwanisa kuzowana raramo kubva mairi mune remangwana.
‘Handirambwe nemukadzi ini’
‘Vangu madzimai ndinopfuhwira’ IMWE n’anga yekuChipinge inoti kana pari pamishonga yekupfuhwira – zvose vakadzi nevarume – iyo ishasha zvekuti anoshandisa miti yayo, “zvinotoita bedzi”.











