Cresswell akakuvara

Cresswell
Cresswell

MUTAMBI weWest Ham, Aaron Cresswell, achatadza kutamba mutambo wekutanga wechikwata chake zvichitevera kukuvara kwaakaita ibvi izvo zvichamuona asingapinde munhandare kwemwedzi mina.Mutambi uyu, uyo anove mumwe wemaHammers vakatamba nhabvu inonwisa mvura mwaka wadarika, akakuvara apo chikwata chake chaitamba mutambo wehushamwari neKarlsruher kuAustria svondo radarika.

Cresswell achaona chiremba kuLondon svondo rinotevera kuti atariswe kuti haadi kuvhiyiwa here.

Chiremba weWest Ham, Stijn Vandenbroucke, akanyora padandemutande rechikwata ichi kuti: “Chero zvatinoronga kuti, Aaron akatarisana nenguva ndefu ari panze asingatambe nhabvu sezvo achange achimborapwa pamwe nekuzorora. Anogona kupedza mwedzi miviri kana mitatu chaiyo asingatambe.”

Nyaya iyi ichadzosera kumashure basa raSlaven Bilic uyo asina vamwe vatambi vangatsive Cresswell waange achitsigira zvikuru kuti azopinda muchikwata chaSam Allardyce cheEngland muna Gunyana.

Allardyce ndiye akatenga Cresswell achiri kurairidza West Ham makore maviri adarika, uye anofarira mutambi uyu zvikuru.

Chizvarwa chekuLiverpool ichi, icho chaimbotambira Ipswich, chakaenda padandemutande reTwitter ndokurakidza kushushikana zvikuru, asi akazowedzera kuti akazvipira kushanda nesimba kuti adzoke kubva kukuvara kwaakaita.

Cresswell akati, “Ndabaikana zvikuru”. Ndokuwedzera achiti, “Usarega zvipanganiso zviri munzira kukutadzisa kuenderera mberi nerwendo rwako.”

MaHammers ari kuongorora zvakare Manuel Lanzini uyo akakuvarawo ibvi rake, mutambi uyu aifanirwa kutambira Argentina kumaOlympics.

“Tiri muhurukuro nguva nenguva naManuel pamwe neAFA (Argentine Football Association),” akadaro Vandebroucke. — Daily Mail Football

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *