Zviratidzo vemwana ane kwashi

sezviri pamufananidzo vana vasingawane kudya kune mapuroteni akakwana ayo anovaka muviri vanoonekwa vachiondoroka kana kuti kubatwa nechirwere chinodaidzwa kunzi “kwashiorkor” (kwashi) uye chikasadzivirirwa vanogona kurasikirwa neupenyu.Sangano reWomen’s Action Group – kuburikidza nebhuku rarakadhindisa rinonzi Utano Hwako, Upenyu Hwako – rinoti zviratidzo zvekwashi zvinosanganisira kuzvimba kumeso, mawoko netsoka.

Ruvara rwevhudzi rwunotangisa kusanduka rwuchitsvukuruka uyewo ganda richiunyana.

Vana ivavo vanokundikana kukura zvakanaka uye mawoko avo anenge ari matete zvakanyanyisa. Vanogona kuratidzika kunge vakasimba asi vasina mhasuro.

Vana vane kwashi vanofunuka ganda mumakumbo nemuhapwa.

INORAPWA SEI?

Vana vanofanira kuwaniswa chikafu chakakwana, chine mapuroteni semukaka, hove, nyama, mazai, bhinzi nenzungu.

Vanofanira kuwaniswa kudya kunopa simba uye kunovaka muviri sesadza, mupunga, nyama, muriwo wemashizha nemichero.

Kune mhando mbiri dzezvirwere zvinoratidza kuti mwana haasi kuwana kudya kwakakwana dzinoti marasmus nekwashi. Marasmus inobata vana vasingawani kudya kwakakwana zvachose.Vana ava vanoonekwa nekuondoroka zvakanyanya zvekusara mapfupa bedzi vaine twumatumbu twuhombe uye huremu hwavo hunenge husingaenderani nemazera avo nekuti hunenge hwakaderera zvikuru.

Zvakakosha kuti vabereki vaende kunoyeresa vana kuzvikero zviri kuzvipatara nemakirinika kuti vaonekwe huremu hwavo mwedzi woga-woga kuitira kuti kana pachinge pave kunyuka dambudziko rekuondoroka ringe richigadziriswa nekukasika.

Vana vasingawane kudya kwakakwana vanogara vachirwara-rwara uye vane makore anodarika gore okuberekwa kana vachinge vayerwa pamhasuro dzikaonekwa dziri pasi pe13cm zvinoreva kuti havasi kuwana kudya kwakakwana.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *