Anotiza murume muna Chikumi wega-wega
Tafadzwa Mutsotso MUDZIMAI wekunzi anotiza murume wake pamwe chete nemwana mumwedzi waChikumi gore roga-roga apo anoenda kusingazivikanwe akaudza dare kuti anenge achida kumbozorora kushungurudzwa kwaari kuitwa nemurume uyu.
Oti mukadzi wake muroyi
Amager Mufema MUDZIMAI wekugara achirohwa nemurume wake achipomerwa kuti ndiye muroyi akadya mwana wavo, akazopotera kudare redzimhosva uko akapihwa gwaro redziviriro.
‘Ndinoitwa mukadzi nenyoka’…Ndava kutozvida, ndingadii?
Kingstone Mapupu MUKADZI wechidiki wekuChitungwiza anoti ari kuitwa mukadzi nezinyoka rakakura kunge shato, izvo zvaanoti pakutanga aisazvida asi iye zvino, nekuda kwekuti haana wekuzvirambira, ave kutozvifarira. Kana apedzwa naye, anoti anozorota…
Munhukadzi akanaka anobviswa mazino 4
Kingstone Mapupu NHOROONDO yekugurwa kwemazino epamberi evanhukadzi vechiTonga vagere kuBinga, mudunhu reMatebeleland North, inoratidza kuti aya aiva mabasa evarume vane shanje avo vaizviitra kuti vakadzi ava vasatorwe nevamwe varume. Pasichigare, madzimai…
Ndiyani ari kubvarura mambure?
Abel Ndooka RWENDO rwekurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League ruchiri rurefu sezvo zvikwata zvasarirwa nemitambo 15 kuti pagozivikanwa kuti shasha ndeipi apowo zvimwe zviri kutatarika zvinogona kuburitswa muligi iri. Kwayedza…
Ndakaenda kudenga kaviri. . . ndikaita musangano naMwari
Kingstone Mapupu MUPOROFITA weimwe chechi iri muHarare anoti akaenda kudenga kaviri apo akaita hurukuro naMwari mbune, ndokugadzwa kuve muporofita wepasi rose (prophet of all nations). Asi pane vamwe vari kuti murume…
Zvikoro hokoyo! …‘Vakuru vezvikoro ngavatongerwe rufu’ …‘Hazviite, vabereki bhadharai pashoma’
Tandayi Motsi VAKURU vezvikoro vanodzinga vana vanenge vasina kubhadharirwa mari dzechikoro vanofanirwa kutongerwa rufu nekuti vari kudzosera budiriro yedzidzo kumashure. Mashoko aya akataurwa mudare reParamende nguva yadarika nemumiriri weChegutu West, Cde…
Bosso, City dhuma-dhuma
Abel Ndooka KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino nemusi weSvondo kunhandare yeBabourfields, kuBulawayo apo Highlanders FC ichasangana neHarare City mumutambo weZimbabwe National Army (ZNA) Charity Shield. Mitambo mizhinji yezvikwata zviviri izvi…
Promics onoridza kuAustralia
Abel Ndooka MUIMBI wehip-hop, Bonnie Goredema, uyo anonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Promics akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kudanwa kwaakaitwa kuti anoridza kunyika yeAustralia muna Nyamavhuvhu. Promics, uyo ane mukurumbira zvichitevera kambo…
‘Chengetedzai zviwanikwa zvenyika’
Muchaneta Chimuka HURUMENDE inokurudzira madzishe nevamwe vakuru vematunhu kuti vashandise masimba avo mukuchengetedza zviwanikwa zvenyika zvakaita semasango izvo zviri kuparadzwa. Vachitaura pamusangano wavakaita nemadzishe kwaSeke, kudunhu reMashonaland East, nguva pfupi yadarika,…









