Methodist yobatsira vanotambura

METHODIST Church in Zimbabwe neChipiri svondo rino yakabatsira nechikafu mhuri 54 dzinotambura kudunhu reMhondoro-Ngezi. Chikafu ichi chinosanganira hupfu, mafuta nebhinzi uye chakabva kubandiko rechechi iyi rinodaidzwa kuti Methodist Development and Relief…

Denga ririko zvechokwadi

IMBWA HAIHUKURE SADZA BHAIBHERI rakanyorwa kare, asi kare ikako raitoziva kuti kuchazoita vanhu vachati vari kutaura vakamirira Mwari asi ari manyepo. Bhaibheri rinoti, tiedze mweya kuti tione kuti ndeyechokwadi here, nekuti…

Seed Co yakapa mabhini kuDavid Livingstone

KAMBANI ine mukurumbira mukuuchika mbeu, yeSeed Co Limited, nemusi weChipiri svondo rino yakapa mabhini ekuisa marara kuchikoro cheDavid Livingstone Junior School chiri muHarare izvo zvichabatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda yakachena.

Bhasikoro hutu nahwindi

HWINDI wekukumbira bhasikoro remumwe murume achida kuti ambochovha kwekanguva kadiki asi ndokuzoenda naro zvachose apo akanoritengesa, akazoigochera pahutsi zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekuba nedare.

Nadal ozvitemba

RAFAEL Nadal ari kuzvitemba kuti achange apora panguva yekunokwikwidza kumitambo yeRio Olympics iyo iri kutanga svondo rinotevera kunyangwe hazvo asati ambotamba kubva paakakuvara ruwoko rwake musi wa27 Kurume.

‘Kuramba munhu imhosva here?’

MUKOMANA wekurambwa nemusikana waaidanana naye anonzi ave nekatsika kekumukurura shangu, odzicheka-cheka nebanga, mushure mezvo omurikita pamberi pehama dzake. Rutendo Chihoko akamhan’arira Alois Sande kudare redzimhosva reHarare Civil Court achiti ari kumushaisa…

‘Ndakamukira mumochari’

Tafadzwa Mutsotso PANE mukadzi anoti akarohwa nemurume wake zvekusvika pakuendeswa kumochari achinzi ainge afa.Jane Matsarakutya akazokwidza nyaya yekushushwa kwake nemurume wake, Everisto Matsarakutya, kudare redzimhosva reHarare Civil Court achiti: “Murume…

Gomana rakawanikwa rirere mumba mevaridzi

MUKOMANA wekupinda mumba mevaridzi zvisina mvumo ndokusvikorara pedyo nemubhedha —achiti nzara ndiyo yakamutuma kuita izvi — ava kuzvidemba zvichitevera kutemerwa kwaakaitwa chirango chekuti anofondoka pasina mubhadharo nedare reChitungwiza Magistrates Court.

Zvandinoita izvi pane chakanaka?

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga MUBVUNZO: MHINDURO:Sekuru, ndiri mukomana ane makore 19 okuberekwa. Ndine dambudziko rekuita chimhandaramawoko. I don’t know why zvichiitika apa ndiri munamati izvo zvichidayi. Ndinotonamatawo kereke dzemweya. Ndoita…

Amai ndimi makaroya baba: Vana

Tafadzwa Mutsotso MUKADZI Wekupomerwa huroyi nevana vemurume wake achinzi ndiye akaita kuti baba vavo varware nepfungwa akazomhan’arira vana ava kudare redzimhosva.