‘Chengetedzai zviwanikwa zvenyika’

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inokurudzira madzishe nevamwe vakuru vematunhu kuti vashandise masimba avo mukuchengetedza zviwanikwa zvenyika zvakaita semasango izvo zviri kuparadzwa. Vachitaura pamusangano wavakaita nemadzishe kwaSeke, kudunhu reMashonaland East, nguva pfupi yadarika, gurukota rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Opah Muchinguri-Kashiri, vanoti madzishe akakosha zvikuru munyaya dzekuchengetedza zviwanikwa zvenyika.

“Takagara pasi nevekubazi redu tikaona kuti zvigozhero zvizhinji zviri kutarisana nenyika panyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda zvinokwanisa kugadziriswa kana tichinge tashanda nemadzishe nekuti ndivo vanogara nevanhu uye vane mikana yekutererwa kana tichinge tapa ruzivo kwavari.

“Saka madzishe shandisai masimba atakupai kuti mufundise vanhu nezvekukosha kwekuchengetedzwa kwenharaunda nekuti kubva muzviwanikwa zvakaita semiti, huswa nemhuka, ndimo mune upenyu hwedu tose. Miti inotipa mweya wekufema, pasina miti tinopera kufa,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vanoti vanhu 88 vakarasikirwa neupenyu nekuda kwemoto wesango kubvira mugore ra2009. “Kubvira mugore ra2009, takarasikirwa nevanhu vanosvika 88 nekuda kwemoto wesango uye midziyo inokosha mamiriyoni emadhora ikaparadzwa nemoto. Moto wesango uri kuramba uchiparadza masango nekuderedza upfumi hwenyika.

“Madzishe anofanira kuranga vapari vemhosva idzi zvakasimba.

“Mumwaka wegore ra2015, nyaya 29 dzekupiswa kwemasango dzakakwidzwa kumatare emadzishe. Nokudaro tine zvinyorwa zveNational Fire Strategy zvegore ra2016 zvine chinangwa chekuderedza moto wesango,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Pachiitiko ichi Cde Muchinguri-Kashiri vakapa madzishe nharembozha idzo vanoti dzichashandiswa mukurwisa kuparadzwa kwezviwanikwa. “Nharembozha idzi dzinofanira kupihwa kuvanhu vemunharaunda menyu vanove vanozomhan’ara mhosva dzekupiswa kwemasango. Tichagara zvakare tichikupai nyama dzemhuka nekuti ndimi munodzichengeta.”

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, mutungamiriri wekanzuru yemadzishe, yeZimbabwe Chiefs Council, Mambo Fortune Charumbira, vanoti madzishe, masadunhu nemasabhuku vanofanira kushandisa masimba avo mukuchengetedza nharaunda.

“Zvakakosha kuti madzishe nemasabhuku vachengetedze nharaunda nekufundisa vanhu vachitsigirwa nemasangano anoona nezvenharaunda nedzimwe nyanzvi,” vanodaro.

Mambo Seke, VaStanely Chimanikire, vanoti vanofara zvikuru nekupihwa masimba ekuchengetedza nharaunda sezvo zvichavabatsira kuti vange vachitonga vanhu vanoparadza zviwanikwa.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *