Kudza baba namai vako!
SVONDO rino tine imwe nyaya yemukadzi anoti atambudzwa nenyoka iyo inomuita mukadzi, kumuyamwa nekupinda mudumbu make ichitamba-tamba irimo. Mukadzi uyu anoti akasvika pakurambana nemurume wake nekuda kwedambudziko iri. Ari kupomerawo vabereki vake…
Zvimbokoma zvotsva kuDomboshava
Abel Ndooka VATAMBI vetsiva vari kusimukira svondo rinotevera vachawaniswa mukana wekurakidza matarenda avo apo vachakwikwidza mumutambo weHard-Rock Boxing Promotions Harare Province Boxing Amateur Tournament, kuDomboshava. Mutambo uyu uchatambirwa paMverechena Hotel musi…
Fungisai Primary: Shasha pazvose
Malven Mugadzikwa CHIKORO cheFungisai Primary School, icho chiri kuChitungwiza, ishasha pamitambo yakaita sesoftball nekorfball izvo zviri kuona vana vepo vachipinda muzvikwata zvevechidiki zvenyika uye ndicho chekutanga kuita mitambo iyi mudunhu…
Paramende yorwisa TB
Muchaneta Chimuka KOMITI yedare reParamende inoona nezveutano svondo rapera yakaparura chirongwa chekurwisa chirwere cherurindi (TB), zvikuru kumigodhi nekumajeri. Chirongwa ichi chakaparurwa pasi pedingindira rinoti, “Kubatanidza hutungamiriri mukupedza chirwere cherurindi”. Vachitaura pachiitiko ichi,…
Zimbabwe yokwikwidza muzvidzidzo zveScience
Daphne Machiri NYANZVI dzevechidiki dzezvigadzirwa zveScience dzichanomirira Zimbabwe munguva inotevera kumakwikwi achaitirwa kuSouth Africa, Singapore nekuUnited States of America ayo ari kurongwa neveZimbabwe Science Fair. Nguva yadarika, Zimbabwe yakakwikwidza ku67th Intel…
Kubika nhopi yemanhanga
SVONDO rino Mai Ronika vekuGokwe vanodonongodza zvir pamusoro pemabikirwo enhopi yemanhanga. Nhopi iyi inhapitapi chaiyo kana ikabikwa zvine hunyanzvi. ZVINODIWA: Tsetsa kana kuti feta manhanga nebanga rakachena. Chigeza manhanga woacheka-cheka…
Mombe yokurongerwa kama wakaringa nzira!
KWEDU anonzi mazorora mudenga. Asi chokwadi chaicho ndechokuti dzinenge dziri nungo dzavanhu vakajaira kudya zvokupihwa, kudya zvavasingazivi kuti zvakashandwa sei. Usimbe chaihwo! Vanhu vanochema mabasa, uyewo zviri pachena kuti ruzhinji…
Sharapova ofemeswa moto
SHASHA yemutambo wetenesi yekuRussia, Maria Sharapova (29), achakundikana kukwikwidza kumutambo weRio Olympics mwedzi unotevera mushure mekunge nyaya yaari kurwira kuti ishandurwe neInternational Tennis Federation yakanzi ichazonzwikwa muna Gunyana. Mutambi uyu akawanikwa…
Sisi vekukecha mwana mubhawa vari kutongwa
Muchaneta Chimuka NYAYA yemukadzi uya wekumiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts svondo rapera pamberi akatarisana nemhosva yekushinha nekamwana kane makore 12 okuberekwa ndokukatapurira utachiona hweHIV apo “vakakechana” murimwe bhawa reko…
Murume okumbira gupuro kumukadzi
Tafadzwa Mutsotso MURUME wekuoneswa ndondo achipisirwa hembe nekuputsirwa mahwindo emba nemudzimai wake akazokwidza nyaya iyi kudare redzimhosva achida kuti apihwe gupuro negwaro rerunyararo. Robson Chapurungana akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court,…






