Vane mazita, asi havadaidzwi nawo
REGAI nditange nokukumbira ruregerero kuvaverengi, nokuti chinyorwa chino chinogona kubata-bata vamwe vanhu kubudikidza nemazwi achashandiswa. Ndichataura mazwi asinganyanye kushandiswa, asi kune vamwe achivaitira nyore kushandisa.
‘Koshesai vanorarama nehusope’
VANHU vanorarama nehusope svondo rapera vakapemberera zuva reWorld Albino Day paine kurudziro yekuti Hurumende nemasangano akazvipira vabatane mukurwisa nyaya dzekuvasarura nekusimudzira utano hwavo.
Kubika mabhanzi, chingwa
SVONDO rino tiri kukupakurirai ruzivo rwekubika mabhanzi kana chingwa nenzira yechivanhu, zvikuru vagari vekumaruwa uko kusina magetsi ekubikisa. Mbuya Elizabeth Majeya vekwaBhora, kwaChikwaka, kudunhu reMashonaland East avo vanobika chingwa nemabhanzi…
maticha 10 000 opinzwa basa
HURUMENDE ine hurongwa hwekupinza mabasa varairidzi vanodarika 10 000 pamwe nevatungamiriri vezvikoro, vazhinji vacho avo vachaendeswa kuzvikoro zvekumaruwa senzira yekuderedza kushomeka kwevadzidzisi vakafundira basa munyika.
Mr Favour haasi kumira
Malven Mugadzikwa MUIMBI ari kusimukira mumusambo wechitendero, Anywhere ‘Mr Favour’ Mukani (25), akaparura kambo katsva kanonzi Zvidhafu dhafu ako kari kunetsa zvikuru mazuva ano panhepfenyuro dzakasiyana.
Garwe benyu pamubhedha
. . . nemutumba wekamba ine chuma ‘. . . hama dzaamai vanondivengerei?’ MUKWESHWA wegarwe benyu nemutumba wekamba ine chuma nevhudzi rakafanana neremunhu kumakumbo kwayo zvakaonekwa zviri mumba pamumwe musha…
Bambo orongera DeMbare
KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino neMugovera kunhandare yeRufaro Stadium apo Dynamos ichasangana neHarare City mumutambo weCastle Lager Premiership uyo unozivikanwa nekuti Harare Derby.
Varimi vopembedza MoneyMaker
VARIMI vari kupembedza zvikuru michina yemadiridziro inogadzirwa nekambani yeMoneyMaker Irrigation Pumps vachiti iri kuvapa pundutso kuburikidza nekurerutsa basa ravo.
Mapupu akarwiswa nemahwindi
MUTORI wenhau weKwayedza, Kingstone Mapupu, akarwiswa nembavha dzemahwindi ndokukuvadzwa pamwe nekubirwa mari paMbare Msika manheru emusi weChishanu svondo rapera.
‘Makambani batsirai kurwisa hiv/aids’
HURUMENDE inokurudzira makambani kuti ave nezvirongwa zvekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV mumabasa nedonzvo rekusimudzira utano hwevashandi.










