Pastor Terrence onoridza kuZambia
TERRENCE Guba, uyo anonyanya kuzivikanwa saPastor Terrence musambo wechitendero, anoti nyenyedzi chena iri kuramba ichipenya muhupenyu hwake zvichitevera kudanwa kwaakaitwa kuti anoridza kunyika yeZambia mwedzi unotevera.
Sakho obatira hana mumawoko
MAMADOU Sakho achaziva mumasvondo maviri anotevera kuti achapihwa mutongo murefu here zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekutora zvinodhaka mumuviri make muna Kurume.
Mutori wenhau otyisidzirwa
Kwayedza svondo rapera yakaburitsa nyaya yaTawanda Mukuruzado (31), wemubhuku raDera, kwaChikwaka, uyo amera chinhu chirefu chinenge rembe kana kuti muchochororo wetoki kana kuti garakuni pachirebvu chake.NYAYA yemurume wechidiki uya wekwaChikwaka,…
Selborne Routledge: Vanotsvunha chikoro
VANA vepachikoro cheSelborne Rouledge School, muguta reHarare, vari kusimukira zvinonwisa mvura muzvidzidzo zvavo, kunyanya Shona.
Khan oramba kumirira Pakistan
AMIR Khan anoti akaramba mukana wekumirira Pakistan kumitambo yeRio Olympics. Khan, uyo akahwina menduru yesirivha kumutambo wegore ra2004 kuAthens, akambotaura kutanga kwemwedzi uno kuti anoda kuwana mukana wekumirira nyika yakazvarirwa vabereki…
Chikoro chitsva choda rubatsiro
VAGARI vekwaMambo Binga, kudunhu reBinga, kuMatebeleland North, vari kutsvaga rubatsiro rwekuvakisa chikoro chesekondari sezvo pari zvino vana vari kudzidzira mudzimba dzemapango nehuswa.
Hatina zororo: Chaminuka
MURAIRIDZI weBorder Strikers, Saul Chaminuka, anoti haana zororo sezvo vanzwa nekurikitwa zvikuru mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer League uye anopomera hutungamiriri hwechikwata ichi kuti ndihwo honzeri achiti hauna kurongeka.
Kugarira mawoko hakuna chimuko
VECHIDIKI vekuMahuhwe, kwaShe Chitsungo, kuGuruve, vari kukunduka nekuzvishandira kuburikidza nesangano ravakaumba rekuita mabhindauko anosanganisira kuhodha nekutengesa zvinhu zvakasiyana.
Ndakarova, ndikakuvadza dombo
MUHAMMAD ALI akazorora nemusi weChishanu svondo mbiri dzadarika. Pamazuva ake, akaita mbiri yekurwa achikurira. Aiita zvekurikita nekuriga.
Kususukidza rungano
Munyaradzi Gunduza Zvinoitwa nevatambi kususukidza rungano (Tinoenderera mberi) Tapera anorarisa paakanga akachengeta Karinge neshamwari dzake vaive muimba yevasungwa vaMambo Chikwirandaombera. Izvi zvinoita kuti Karinge neshamwari dzake vatize vachinopotera kwaMambo Tineshungu.









