Varimi vopembedza MoneyMaker

Muchina weMoneyMaker Irrigation Pumps uchishandiswa kudiridza muriwo.
Muchina weMoneyMaker Irrigation Pumps uchishandiswa kudiridza muriwo.

VARIMI vari kupembedza zvikuru michina yemadiridziro inogadzirwa nekambani yeMoneyMaker Irrigation Pumps vachiti iri kuvapa pundutso kuburikidza nekurerutsa basa ravo.Kwayedza yakakurukura nevamwe varimi avo vakarumbidza michina iyi vachiti haidhuri pakuishandisa sezvo isingade magetsi, dhiziri kana kuti peturu asi nesimba remumakumbo chete – chitsoka-tsoka.

Vamwe vechidiki vari kudunhu reManicaland, avo vari mumabindauko ekurima matomatisi, vanoti vabura purofiti yeUS$2 000 mukati memwedzi mina vachishandisa michina yemadiridziro aya.

Tawanda Chimuti, uyo ari tungamiririra chirongwa chemadiridziro evechidiki kudunhu iri, anoti madiridziro emhando yechitsoka-tsoka eMoneyMaker Irrigation Pumps akakosha zvikuru nekuti haadhurire varimi.

“Tave nenguva tichiita mabhindauko aya apo taimboshandisa migoro mukuchera mvura mumadhamu nemunzizi.

“Asi iko zvino upenyu hwave nyore kuburikidza neMoneyMaker Irrigation Pumps. Takatanga mumwedzi waNdira asi purofiti yedu iri kuramba ichikwira nekuda kwekuti tave kudiridza nyore pasina kudhurirwa nemagetsi kana dhiziri,” anodaro.

Mumwe murimi weko, VaMaengeni Bingadade vekuChigodora, vanoti vakakwanisa kutenga tirera yetarakita yavo kubva mukurima vachishandisa madiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps.

“Ndinoshandisa MoneyMaker Irrigation Pumps mukudiridzira zvirimwa zvangu zvinosanganisira hanyanisi, matomatisi, muriwo nechibage ndichikohwa pakuru.

“Ndakaona kuti madiridziro aya haadhure nekuti haashandise magetsi, peturu kana dhiziri zvinova zvinhu zvinowanzobudisa varimi mubhajeti yavo gore negore,” vanodaro.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *