Nyoka negarwe mudumbu: Chechi iri kudya marasha

KASIKANA kaye kane makore 14 ekuzvarwa kemuHarare, kekureura kuti ndiko kakaroya mainini vako munin’ina waamai, ndokuisa nyoka, garwe nemupurwa mudumbu mavo iro rave kugara rakafutunuka sevane pamuviri, kanonzi kakadzingwa kuchechi yavanopinda pamwe chete naamanini vacho ava zvichitevera kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza.

Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yekasikana ako takapa zita rekuti Chipo nekuda kwezera rako, kaita kuimba chaiko kachiti ndiko kakaroya amainini vako uye kachizviti muSatanist.

Amainini vechidiki vakashinhirwa ava vakambogara kuUnited Kingdom asi ndokuzodzoka kuZimbabwe kuzotsvaga rubatsiro apo hurwere hwavasimbira uye machiremba vekuUK vazvitadza.

Chipo, uyo anotaura pasina kunyara kuti anoita zveSatanism nevamwe vemuchechi yaanopinda iri kudunhu reMashonaland West (zita rayo tinaro), anoti akashandisa bhodhi (bra) raamainini vake pakuvashinhirira.

Anotizve iye nevamwe vake vakatora bhodhi raamainini vake iri ndokunorichengeta muimba mariri kugara iyo vanoshandira mabasa avo nechinangwa chekuti vafe.

Amainini vaChipo ava vakazopotera kuKwayedza pamwe nekunhepfenyuro yedu yeStar FM vachitsvaga rubatsiro vachiperekedzwa naiye Chipo, amai vake nedzimwe hama dzepedyo.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi, zvinonzi Chipo, amainini vake pamwe nevamwe vemumhuri iyi vakambonzi vamire kuenda kuchechi asi chikonzero chacho hachisati chave kuzivikanwa.

Chechi inopinda musikana uyu inonzi imwe yechechi dzinozivikanwa uye muzinda wayo uri kuMashonaland West, uko mwana uyu anogara nevamwe vake vachisangana “kuKingdom” kana voita mabasa avo.

Kwayedza svondo rapera yakaridzirwa nhare nemumwe wemhuri iyi achiti vatarisana nekuendeswa kudare guru rechechi iyi kuti vadzingwe muchechi zvachose.

“Mukuwasha Kingstone (Mapupu), ndapindana nacho kuno. Tashevedzwa kudare revakuru vechechi yedu kuti vatidzinge muchechi nekuda kwekubuda kwatakaita mupepanhau nepanhepfenyuro. Hatizive kuti toita sei?” anodaro mukadzi uyu achiita seanovhiringika.

“Kuti ari kurwara uyu abatsirwe neruzhinji tave kutotya nekuti vechechi yedu vari kutirambidza kuita izvi. Hatizive kuti tichaita sei, torega here murwere uyu achifa?” anodaro.

Kubva pakataurwa nemukadzi uyu svondo rapera, haana kuzokwanisa kubatika zvakare panhare yake.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×