Vana vatatu vakapondwa

VANA vatatu vemumhuri imwe chete vekwaSabhuku Zimunge, kwaNdanga kuZaka, vakafa svondo rapera vachiita zvekutemwa nedemo nemumwe murume anofungirwa kuti murwere wepfungwa uye amai vavo vakapona neburi retsono apo vakatemwawo paruwoko.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Charity Mazula, vanotsinhira kufa kwaLeticia Dzinoruma (8), Magarate Dzinoruma (4) naAnesu Dzinoruma (2) vachinzi vakaita zvekutemwa naMunyaradzi Kudzidzvara (39) uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa. Kudzidzvara akatosungwa nemapurisa.

Kudzidzvara anonzi akashanyira tete vake, Ndakaziva Masame (66), vemumusha waSabhuku Gonivi, kwaMambo Chikwanda kwaGutu, uko anonzi akazobva husiku kuma7 achiti akanga ava kudzokera kumusha kwake kuZaka.

Murume uyu anonzi akazosvika nepamusha waErnest Dzinoruma, kwaSabhuku Zimunge, nenguva dza10 husiku apo akafunga kuti akanga asvika pamba pake.

“Kudzidzvara paakasvika pamba apa, anonzi akasanganidzana nemuridzi wemusha uyu, Ernest Dzinoruma, achibuda panze kunozvibatsira.

Anonzi akatanga kupomera mhosva muridzi wemusha uyu achiti aidei mubhedhuru make ndokumuti aidanana nemudzimai wake,” vanodaro Insp Mazula.

Mumba maibuda Ernest munonzi ndimowo maiva nemudzimai wake, Angella Kwangwari (30), nevana vatatu avo vainge varere.

Ernest anonzi akaramba akamira panze murima apo Kudzidzvara aipomera mudzimai wake kuti aidanana nezvikomba.

“Murume uyu anonzi akatora demo ndokutema Angella paruwoko rwekuruboshwe. Mudzimai uyu akazomusandudzira achibva akwanisa kukiya gonhi nekunze achisiya vana mukati,” vanodaro.

Ernest anonzi akanga atizawo apo Angella akazoenda kunozivisa vavakidzani.

Kudzidzvara anonzi akazodzoka pamba apa akasvikotema gonhi nedemo ndokupinda mumba umo akatanga kutema Leticia ndokuzvuvira mutumbi wake panze.

Anonzi akaenderera mberi nekutema-tema mutumbi wake wose.

Murume uyu anonzi akadzokera mumba ndokutema Magarate nedemo achibva azvuvira mutumbi wake panze zvakare ndokuutema-tema nedemo.

Anonzi akazopedzisira nekunotema Anesu uyo akazodhonza mutumbi wake kwechinhambwe chemamita 50 ndokuutema-tema nedemo achibva ausiya ikoko.

Insp Mazula vanoti Kwangwari akazodzoka kumba nemuvakidzani wavo, Angella Majarangwanda (47), ndokuwana vana vose vauraiwa ndokuzozivisa vamwe vagari vemumusha uyu pamwe nemapurisa.

Vanonzi vakazotsvaga Kudzidzvara vakamuwana musango ndokumusunga vakamuendesa kumapurisa.

Kwangwari akazoendeswawo kuchipatara cheNdanga akanorapwa akaburitswa uye mitumbi yevana ava yakatovigwa mumusha uyu kuZaka kwakare.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×