Vana vePrince Edward vakagadzira mota itsva
VANA vanodzidza paPrince Edward High School, muHarare, vakanyora nhoroondo nekuva chikoro chekutanga pasi rose kuratidza hunyanzvi hwemagadzirirwo emotokari itsva, iyo iri kutarisirwa kugadzirwa mumakore maviri
‘Tinoda vadzidzisi vakafundira basa’
HURUMENDE ine chishuwo chekuti zvikoro zvose zvive nevarairidzi vakadzidzira basa nedonzvo rekusimbisa budiriro iripo muchikamu chedzidzo.
GRADE 7: Mazita ezvekudya
Ticha Danga KUDYA ndiwo musimboti weraramo. Hupenyu hwedu hunoendeka kana tichinge tichiwana kudya kwakanaka uye kunovaka muviri.
Vakaendeswa kudare nembwa
VAVAKIDZANI vakaendesana kumatare edzimhosva pamusoro penyaya yembwa zvichitevera kurumwa kwakaitwa mumwe wavo nembwa apo akaedza kudzidzivisa dzichirwa. Caston Chapwanya (49) wepanhamba 9 Jerenyenze Road, kuZengeza 2, akadhonzerwa kudare reChitungwiza Magistrates’…
DETEMBA TINZWE: Tsvagai mabasa
naPeter Tawira Imi vanangu zvamapedza chikoro kudai,
Akadashurirwa makuhwa
SHAMWARIKADZI yakamhan’arira chikomba chayo kudare redzimhosva mushure mekunge yarikitirwa nyaya dzemakuhwa.
O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: Kuteura kuvadzimu
Munyaradzi Gunduza Kukosha kwevadzimu pasichigare: (Tinoenderera mberi) Kare vanhu vaiteura kuvadzimu. Tinozviona kuna VaMatose vanorayira Karinge kuti hama ine mutupo wedzinza ndiyo inoteurira midzimu kwete mutorwa uye
Kudzidza nyore
VANA veO-Level vanotarisirwa kubatsirika zvikuru muzvidzidzo zvavo zvichitevera chirongwa chepadandemutande chekuti vabudirire mubvunzo kuburikidza nekufundiswa mapindurirwo anoitwa mibvunzo.
Vadzidzi vofundiswa nezveutano hwavo
SANGANO reZimbabwe Medical Students Association (ZIMSA) rakatanga chirongwa chekufamba mumayunivhesiti nemakoreji richipa vadzidzi ruzivo maererano nekukosha kwakaita kuchengetedza utano hwavo.
‘Ndinodawo murume’…‘Bhudhi ndimi makandisunga’
Yvonne Chidochashe Manyanja MUMWE mukadzi ari kupomera hanzvadzi yake inova n’anga kuti yakamushandisira mushonga unosanganisira hangaiwa mbiri dzaaipa chikafu izvo zvakamupa rushambwa sezvo ave kushaya murume anomuda kana kumuroora.

