Akaenda nemubairo wekuchena
Malven Mugadzikwa AKANGE ari makuwerere paimwe hotera iri muHarare nemusi weChishanu svondo rapera apo vanhukadzi vakapinda mumakwikwi ekupfeka zvine mutsigo, eKwayedza Africa Woman of the Year 2015, vakatunzvaidzwa pamabiko
Muporofita akafa akabatwa nemweya
MUPOROFITA ane mbiri wekuMarondera anonzi akany’udzwa mudziva nenjuzu akafa apo aishandira mumwewo muporofita ainzi ayauriswa nemunyama.
Vamwe vakamhanyiswa nenyoka mbiri pamasowe
MAPOSITORI veJohane Masowe weChishanu avo vaiva vakaungana kwaSeke pedyo nekuUnit L, kuChitungwiza, vanonzi vakazoita bararamhanya vachitiza apo vakasvikirwa nemikweshwa yenyoka mbiri dzerudzi rwemhungu
‘Utano ikodzero yemusungwa’
VASUNGWA vari kupikira mhosva dzakasiyana kumajeri ari kumativi mana enyika vane kodzero yekuwaniswa utano hwakanaka pamwe nekudya kwakakwana.
Zivhu haasi kumira…Ari kuvandudza zvikoro…Achivapa makombiyuta…Nemari dzevana dzefizi
VANE mabhizimisi vari kukurudzirwa kuti vabatane neHurumende mukusimudzira dzidzo munyika, zvikuru kumatunhu avanobva.
Vanodya pamwe chete nezvidhoma…Nekuvapisira musha, hembe…Zvichitora mari muchikwama
MUNYAYA inorovesa hana, zvinhu zvinofungirwa kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo zvashungurudza imwe mhuri yekwaZimunya, kwaMutare, apo zviri kubvutira vanhu ava zvekudya mumawoko, kuvatorera mari muhomwe kana
Kuchengetedza gohwo nemazvo
Ivan Craig Mudhumeni Mukuru KUONA gohwo richiri mumunda nekurikohwa muchirichengetedza zvakanaka zvinhu zvakasiyana. Gohwo rinoda kuchengetedzwa kubva pakugadzirira mwaka kusvika pakutengesa nekushandisa zvirimwa.
Vasikana sungai dzisimbe: Nomsa
MUTAMBI akanetsa munhabvu yemadzimai achitambira maMighty Warriors, Nomsa “Boyz” Moyo anoti chikwata ichi chinofanira kusunga dzisimbe apo chiri kunokwikwidza kumutambo wemaOlympics kuRio de Janeiro, kuBrazil.
Vatori venhau vakafizuka vari pabasa
VATORI venhau veKwayedza vakachiona nemusi weChishanu wadarika apo vamwe vavo vakabatwa nehope dzemadzikirira vari pabasa mushure mekunge vashanyira musha uri kuitika mashiripiti emoto unongopisa zvinhu
MAONERO EDU: Musangomirira Hurumende
MWAKA uno Zimbabwe yakatarisana nenzara yakakomba iyo yaona Hurumende ichitora mamiriro ezvinhu aya senjodzi inoda rubatsiro rwechimbi-chimbi kubva kumapoka anobatsira, kusanganisira epasi rose.











