Ticharwa semvumba: Antipas
MURAIRIDZI weChicken Inn FC – Joey Antipas – anoti vacharwa semvumba mwaka uno nechinangwa chekuchengetedza mukombe wavo wePremier Soccer League uyo vakahwinha gore rapera.
Chirwere chemahwanda chorwiswa
HURUMENDE yakabatana nesangano reFood and Agriculture Organisation nevamwe vatsigiri muchirongwa chekudzivirira chirwere chezvipfuyo chemahwanda nedonzvo rekusimbaradza danga renyika.
Pamberi nekuzvipira nekuenzanisa munhukadzi
NGUVA pfupi yadarika, madzimai akaremekedzwa pasi rose kuburikidza nekucherechedzwa kwezuva reInternational Women”s Day.
Imbwa dziri kuruma vatenzi
MUDZIMAI nemurume wake, avo vava chembere neharahwa vekuChivhu, vanoti vashaiswa rugare nembwa dzemwanakomana wavo idzo dzinogara dzichivaruma pamadiro asi pasina matanho anotorwa.
Kana baba ‘vafadzwa’ nemukadzi mudiki …Vanorikita mwana newaya nemupinyi…Vomusiya achinogara mumigwagwa
MWANA ane makore 16 okuberekwa wekwaTandi, kwaRusape, ave “chenzira” mumigwagwa yemuHarare nekuda kwekuti anoti anogara achirohwa senyoka yapinda mumba nababa vake nemudzimai wavo mudiki.
Ahmed ndiye ave panyanga
SARFRAZ Ahmed ndiye akagadzwa kuve kaputeni wechikwata chePakistan pamitambo yeTwenty20 achitsiva Shahid Afridi.
Diamond fm yapisa kuMakomoyo
NHEPFENYURO itsva yekambani huru pakuburitsa nhau, yeZimpapers – yeDiamond FM – iyo inotepfenyura iri kwaMutare, yadzika midzi mukugutsa veveruzhinji “kuMakomoyo”.
Kunyatsokanga howa
HOWA hwakabikwa hunofarirwa nevakawanda. Svondo rino imwe nyanzvi pakubika muHarare, zita rebasa ichinzi Mai Mupositori, inodonongodza mabikirwo ehowa zvine hunyanzvi.
Nhetembo dziri pacd
MUMWE nyanduri achiri kusimukira ari kukurudzira vamwe vake kuti vafambirane nenguva kuburikidza nekutsikisa nhetembo dzavo vachiisa pamaCD nechinangwa chekuti dzisvike kune veruzhinji.
Chirongwa cheplap chinobatsira: Shumba
MUKURU anoona nezvedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vari kurumbidza chirongwa chePeformance Lag Address Programme (PLAP) nekubatsira kwachiri kuita kusimudzira kubudirira kwevadzidzi









