Kababa kane makore 14!

NYAYA yakabuda muKwayedza svondo rakapera yekakomana kane makore 14 kekuZaka kakaitisa vasikana vaviri pamuviri ndiwo anonzi mahwani chaiwo pamutauro wemazuva ano!

Goho refodya ringangoderera

VARIMI vefodya vakarima chirimwa ichi nenzira yemadiridziro vakatangisa kukohwa panguva iyo pari kutyirwa kuti mwaka uno pachave nekuderera kwegoho nekuda kwekushomeka kwemvura yekunaya pamwe nekugaroenda

Vanhukadzi vari kungosimudzirwa

KUPERA kwesvondo rino, mutungamiri wenyika, President Mugabe vanove zvakare sachigaro wesangano reAfrican Union vanenge vave kunopereka chigaro chokutungamirira AU, kuna President Idriss Dėby  vokuChad.

Kuchecheudzwa: ‘Tinopa ruzivo rwuzere’

KWAYEDZA svondo rapera yakaburitsa nyaya yekamwe kakomana kane makore 14 ekuberekwa kekwaNhema, kuZaka, ako kari kubvuma kuti kakamitisa vasikana vaviri panguva imwe chete mushure mekunge kachecheudzwa.

Vakadzidza paP.E vovakisa jurahoro

RIMWE boka revakadzidza paPrince Edward School, muHarare rePrince Edward Old Boys Association rakaronga mitambo yeSoccer 5 Aside Tournament nemujaho weFamily Fun Run/Walk nechinangwa chekutsvaga mari

Mwana akatsakatika

MWANA wepachikoro cheChemhondoro Secondary School kwaMangwende, kwaMurehwa, ari kutsvagwa nevabereki vake zvichitevera kushaikwa kwaakaita mumwedzi waZvita gore rapera.

Duramazwi – MASUNGIRO

Ichi chirango chinoitwa nemukuwasha paanoendesa mudzimai wake kumusha kuna amai vake, kuti anosunungukira ikoko mwana wekutanga.

Kakomana kekumitisa kakonzeresa

NYAYA yekakomana kekwaNhema, kuZaka, kane makore 14 okuberekwa ako kari kubvuma kuti kakamitisa vasikana vaviri panguva imwe chete mushure mekunge kachecheudzwa inotambirwa zvakasiyana neveruzhinji.

— Ziva —HAMBA / Kamba

Hamba kana kuti kamba chipuka chine makwati chiri muchikwata chinonzi pachiRungu “reptiles” uye chinofanana nembiya yakatsindikirwa kana kuti yakakwidibirwa. Hamba haimhanye sezvinoita tupuka twuzhinji. Saka kana pakaita

Dhewa aoneswa moto nemukadzi ‘chinamira’

Janet Chikotosa MUMWE murume samusha akazopotera kudare apo aiti afemeswa nanyachide wake uyo anogara akaita “chinamira” kwaari. Clifford Dhewa akamhan’arira Anesu Manyawu kuHarare Civil Court achiti ashaiswa rugare nemukadzi uyu.

×