Kakomana kekumitisa kakonzeresa

NYAYA yekakomana kekwaNhema, kuZaka, kane makore 14 okuberekwa ako kari kubvuma kuti kakamitisa vasikana vaviri panguva imwe chete mushure mekunge kachecheudzwa inotambirwa zvakasiyana neveruzhinji.

Kakomana aka, ako katisina kudura zita rako sezvo kachiri pwere, kanoti kakamitisa vasikana vaviri vanoti ane makore 13 nemumwe ane 18 uyo anove muzukuru wako.

Kanoti mushure mekunge vachecheudzwa nerimwe sangano rakazvimirira kuchikoro vakaudzwa kuti vaizogona kutanga kushinha nevasikana mushure memazuva 64.

Izvi, kanodaro kakomana aka, ndizvo zvimwe zvakakatuma kushereketa nevasikana vaviri ava kusvikira kavamitisa.

Pane mamwe mashoko ari kuti mwana uyu akamitisa vasikana vana pavasikana 21 vaakashereketa navo munguva pfupi iyi.

VaZondani Large (35) vekuHopley, muHarare, vanoti kunyangwe varume vakuru vanenge vachecheudzwa vanofamba vachizvishambadza zvinoita kuti vamwe vapedzisire vave kupinda pabonde nevanhukadzi vakawanda.

“Kakomana ikako hakasi kega, kakafarisa mushure mekuchecheudzwa zvichireva kuti ruzivo rwakaita rwushoma. Ini ndinoshanda kumakombi kune varume vakuru chaivo vakachecheudzwa asi zvavanoita tiri kubasa zvakaoma.

“Unongonzwa vachiti bhebhi huya ini ndiri bho-o.

“Vanhu ivavo vane madzimai avo kudzimba asi vanofamba vachiita bonde vachibheja kuti kana vakachecheudzwa havabate HIV nechikamu che60%,” vanodaro.

Vamwe vadzidzi vepaGreat Achievers College iri kuHopley zvakare vanoti vabereki ndivo vasiri kuvapa dzidziso yakanaka mukukura kwavo.

“Vamwe vanaamai vari kupa vana rusununguko rwakanyanya nekuti chero mwana vakamuona akagukuchirwa nemadhara kana kuti vakomana vezera rake, vanongotarisa pasi kumutsiuri,” anodaro Blessing Kahwiza (14) uyo ari kuita Form 2.

Cathrine Zvokunzwa (16) anotiwo: “Vabereki vanotarisira tsika dzakanaka kumwana asi vamwe vanawo vanotevedzera hunhu hwevabereki vavo sekuti mwana akaona amai kana baba vachiita zvechipfambi, anotevedza maitiro iwayo.”

Chenai Changa (16) anoti vamwe vadzidzi vari kutoita makwikwi nepfambi mumabhawa vachirwira varume zvinoita kuti vapedzisire vapihwa zvirwere.

Mumwezve mwana wechikoro, Fortunate Bandike (15) uyo ari muForm 4 pakoreji iyi, anoti vamwe vabereki vanototuma vana kunoita chipfambi senzira yekuti vawane mari.

Asi Mai Ester Issac (50) vekwaMutoko vanoti chimwe chikafu chiri kudyiwa nevana mazuva ano chiri kuita kuti vakure nekukasika.

“Kare isu hataibatwa mazamu nevakomana nekuti yaitova mhosva huru uye hana yaitorova kungonzi mira ipapo nemukomana, taitiza. Zvino mazuva ano vana vave kutopa vakomana mhosva kuti sei asina kundibata mazamu munhu wototadza kudya sadza kana kutoti mukomana uyu ibenzi, haazive.

“Kare vana havaitenderwa kudya mazai kana mbeva yerudzi rweshana nekuti zvaiita kuti miviri inzwe kuda bonde kana kukudza muviri nekukasika. Iko zvino vanongotakura mazai, chizi nezvimwe kuchikoro. Unotoona mwana ari Grade 3 ave nemazamu,” vanodaro.

Mai Janet Nongerai (33) vekuBikita vanotiwo: “Zvinhu zvinongotyisa kuti mwana wangu mukomana ane makore 14 andiunzire varoora vaviri nekuti iye achiri kuda kuchengetwa neni. Nduwe chaiyo ndini ndinenge ndichimutengera nekumuwachira nekuti haasati ayaruka.”

Innocent Kamutondore (23) wekwaMutoko anotiwo vana vemazuva ano vanyanya kuchenjeresa zvekuti chero vakarairwa zvakadii havaterere.

Ukuwo Mbuya Daina Magatsi (55) vekuDomboshava vanoti kuroorwa kwevana kwave kunetsa nekuda kwekupanana pamuviri.

“Muno mangozara vanasikana vane makore 14-15 vanenge vakabereka vana vavo kumisana.

“Chatove chishamiso kuona musikana anosvitsa makore 18 asina mwana. Ndine kamwana kehama yangu kari kuita Grade 4 kakauya kuhoridhe kumba kwangu, imika, ndakashamisika kachitsanangura kuti kane mukomana wako anokatengera masiwitsi nemabhisiketsi uye vanoperekedzana kumba mushure mekupedza chikoro. Anosvika kusekondari here mwana uyu?” vanodaro.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×