Dhewa aoneswa moto nemukadzi ‘chinamira’

Janet Chikotosa
MUMWE murume samusha akazopotera kudare apo aiti afemeswa nanyachide wake uyo anogara akaita “chinamira” kwaari. Clifford Dhewa akamhan’arira Anesu Manyawu kuHarare Civil Court achiti ashaiswa rugare nemukadzi uyu.

“Ndinokumbirawo vedare kuti mundipe mvumo yekunotorwa ropa ndiongororwe kuti mwana ana Anesu ndewangu here. Handina chokwadi chekuti mwana uyu ndewangu.

“Mukadzi uyu ava kuda kuita chiname pandiri nekuti pandinoenda kumba kwake kunomuona anondivharira mumba achindirambidza kuti ndidzokere kune mukadzi wangu mukuru. Anouya kumba kwangu kwandinenge ndiine mukadzi mukuru achitipopotera,” akadaro Dhewa.

Manyawu akaramba zvaitaurwa naDhewa achiti anoenda kumba kwake achida mari yekuchengeta mwana wavo.

“Murume uyu ndikamukumbira mari yemwana anoti ndiri kumushungurudza. Handizive kuti kukumbira mari yekuchengeta mwana kuna baba vake kushungurudza here?

“Taitogara pamba pamwe chete nemurume namaiguru asi murume ndiye akazondibvisa pamusha achinonditsvagira kumwe kwekugara. Handisi kuita chiname naye asi kuti iye ngaandipe mari yemwana,” akadaro Manyawu.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Dhewa gwaro redziviriro akati vaviri ava vataurirane mune zvakanaka pane zvinenge zvinetsa pakati pavo.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×