Mbudzi ine misoro 2
KWANYASHANU, kuBuhera kwakaitika mashura padunhu nguva pfupi yadarika zvichitevera kuberekwa kwembudzi yaiva nemisoro miviri asi mutumbi wayo uri mumwe chete.
Akabata ambuya pasiripo . . .mukuwasha oripa njuzu
Nemupunga nezviwitsi Nyore Madzianike MUKADZI wekuEpworth, muHarare, akagumbukira mukuwasha wake zvekusvika pakumumhan’arira kudare achimupomera mhosva yekudziirwa zvekumubata mazamu nekumurova.
‘Hurumende iri kushanda kurwisa aids’
MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika, Vice President Emmerson Mnangagwa, vanoti Hurumende iri kuita basa guru rekutsigira vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV kuburikidza nezvirongwa zvinobatsira mukurwisa chirwere cheAids, zvikuru kuvasungwa vari mumajeri.
‘Koshesai zvidzidzo zvesainzi’
GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vanoti Zimbabwe inofanira kukoshesa zvidzidzo zvesainzi sezvo zviri izvo musimboti webudiriro yeupfumi hwenyika.
Attachment paForm 4: ‘hazviite, hazviite!’
VABEREKI nevana vechikoro vari kupa pfungwa dzakasiyana pamusoro pechirongwa chekuti vana veO-Level vaende kunofundira mabasa (attachment) vachiti izvi zvinopa mikana yekuti vana ava vambunyikidzwe mumabasa nemunzvimbo dzekushandira.
Mourinho oramba kurairidza Real Madrid
MURAIRIDZI weChelsea, Jose Mourinho, anonzi oramba kudzokera kunorairidza Real Madrid, sekutaura kwaGuillem Balague. Zvakadaro, Barcelona yakaita kuti Real ipedze mwaka isina chayakabata apo Lionel Messi akanwisa kuAtletico Madrid ndokubatsira
Vamwene nemuroora tiba!
Memory Lemani VAMWENE vakazosvika pakuendesa muroora wavo kudare nekuda kwekuti vanoti anogara achivafurufusha. Shumirai Mafumbe akaendesa muroora wake Vongai Musenye kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza zvakanyanya.
Zim Karate yotarisira kuenda Joni
CHIKWATA cheZimbabwe Karate Union chiri kutarisirwa kuenda kuSouth Africa svondo rinotevera uko chichanokwikwidza kumutambo weShorinkempo Kaikan Full Contact mukupera kwemwedzi uno.
Munhu munhu haavigwe ari mupenyu
CHISHONA kutapira – dapura hunanzva chairo! Sahwira wangu musi uno akataura nyaya yainzwisa tsitsi, nyaya iri maererano namabatirano atinoita muupenyu, nokuti variko vanogona kukurumidza kuti vamwe vanhu, “Haihwawo, zvipi!” Akati…
Ndava kutyira vana
MAKADII tete? Ini ndiri mukadzi ane makore 42 ekuzvarwa, ndine murume nevana vashanu. Dambudziko rangu nderekuti takaenda kunoongororwa ropa murume wangu ndokubatwa aine hutachiona ini ndisina. Saka handiziviwo kuti munhu…







