Bhodhoro chairo here?

IMBWA HAIHUKURE SADZA PANE mumwe mukadzi wandakaona achirova mwana wake nekuti mwana uyu akanga apunza bhodhoro. Bhodhoro iri rakanga risingadhure, risina chinhu, uye harina warakanga racheka.

Ndiri mudzimai ane makore 43 nevana vatatu, ndiri kutsvagawo shamwari yechirume . . .

NDAPOTA hangu vachiri kufona panhamba idzi 0774 142 363 chiregerai henyu nekuti ndakawana wandaida. Musafone veduwe-e nekuti imba yangu ingaputsika.

Vana tiri kuvaendesepi?

VECHIDIKI vangagunun’una kuti nhuna dzavo hadzisi kunzwikwa neHurumende, asi kana tikanzvera dzimwe dzenyaya dzine chokuita nemagariro nemafungiro evanhu, tinoona kuti nyaya dzevechidiki vachiri muzvikoro

Ndinodawo murume ini

MAKASIMBA here tete? Ini ndiri mukadzi ane makore 26 ekuzvarwa. Dambudziko rangu nderekuti ndaroorwa kanokwana kuita katatu. Ndikati ndifambe ndizvibvunzewo ndiri kungonzi ndine mudzimu.

Lupepe, Deketeke vava panyanga

ZIMBABWE Newspapers (1980) Limited yakagadza VaDelma Lupepe sasachigaro wayo naVaPikirayi Deketeke sachamagwiza wekambani inova murigadzose mubhizimusi rezvekuburitswa kwenhau nekudhindwa kwemapepanhau iyi.

NZIMU: MATE ERUFU!

Ukamedzerwa mate wotofa ‘Huroyi hwacho pfuti iri nani’

Korfball Under-23 hutu Joni

CHIKWATA cheZimbabwe Korfball chemuboka reUnder-23 chiri mushishi kuita gadziriro dzekuenda kunokwikwidza kumutambo weKorfball Under-23 African Championships kuSouth Africa muna Chikunguru.

Antipas: Zviri mumhuri

MURAIRIDZI weChicken Inn FC Joey ‘Mafero’ Antipas, uyo anove baba vaQuincy Antipas anotambira chikwata cheHobro IK icho chinokwikwidza muligi rekuDenmark, anoti mwana wake uyu akakura achifarira kutamba cricket zvikuru.

‘Varimi vadiki vanoda kutsigirwa’

MUNYORI mukuru mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, Dr Misheck Sibanda, vanoti varimi vadiki vane mikana yekusimudzira goho rechibage kana vakawaniswa rutsigiro rwakazara.

Makondomu 100 miriyoni ari kushandiswa muZim

KAMBANI yeGraniteside Chemicals svondo rapera yakapa makondomu 60 000 kusangano reNational Aids Council (NAC) nedonzvo rekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV uhwo hunokonzera chirwere cheAids pamwe nezvirwere zvepabonde panguva iyo muZimbabwe

×