‘Mukadzi wangu uyu ipfambi’

Garnet Zvimba MURUME wekuendeswa kumatare nenyaya yekusariritira mwana wake akati zviri nani kuti agare nemwana uyu sezvo amai vacho, uyo aimbove mukadzi wake, ari pfambi yemakoko uye ane katsika kekumbosiya…

Mukadzi wemunhu oti . . .‘Ndakadira chikomba derere’

Murume achonera ‘Joni’ MURUME wekwaChireya, kuGokwe, wekuchiva mudzimai wemuridzi ndokuzodanana naye mushure mekumuvhevhetedza nezvirimwa zvinosanganisira derere rechipudzi, akazoigochera pahutsi apo akaripiswa mombe nhatu nedare reko.

Basa remadimikira

Ticha Danga ZVATABVA mukuita zvirahwe ngatichimbotandarai nemadimikira. Kana tichidimikira tiri kutaura kana kutsanangudza chinhu zvakavanzika asi zviine hudzamu. Madimikira aripo kutsiura nekuraira vanhu. Kudimikira ndiyo imwe nzira yaishandiswa navakuru kurovera…

Ndakashinha naambuya

MAKASIMBA here tete? Ini ndiri murume ane makore 40 ekuberekwa. Dambudziko rangu nderekuti handina mwana kana mukadzi. Ndakarerwa kumusha kwanaamai.

Vakuru 31 000 vari kudzidza – Dokora

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende yakatanga chirongwa chakananga kuona kuti munhu wose, kusanganisira vanhu vakuru, awana mukana wekudzidza.

Varairidzi 9000 vanogona kurasikirwa nemabasa

VARAIRIDZI vanosvika 9 000 avo vasina kudzidzira basa vangangorasikirwa nemabasa panguva iyo bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari riri kutora matanho ekusimudzira maticha akafundira basa iri.

zimbabwe iri kupemberera

Tandayi Motsi ZVIZVARWA zveZimbabwe svondo rinouya zvichabatana mukucherechedza gore rechi35 kubva nyika ino yawana kuzvitonga kuzere kubva kuhudzvanyiriri hwemabhunu, iro richavako nemusi weMugovera 18 Kubvumbi.

Zvirimwa zvakatsva

MAMWE Madzishe ekuGokwe ochema-chema nenyaya yekutsva kwakaita zvirimwa kuburikidza nezuva rakapisa mudunhu iri uye vanoti vanoda kubatsirwa nezvekudya sezvo mhuri zhinji dzakatarisana nenzara.

Mambure akabata muridzi. . . munhu ndiye tasa

MUZUKURU anonzi akanyn’ura apo airedza hove nasekuru vake mushure mekunge azvimonerera nemambure mudhamu rekwaChimwendo, kwaShe Chivero kuMhondoro, munguva pfupi yadarika.

‘Imba inoda kuchenurwa’

VANAMAZVIKOKOTA vakapa maonero avo pamusoro penyaya yemba yekuMarondera iyo inonzi inongotanga kubvira moto usingaonekwe kwaunobva. Vamwe vanoti zvinokonzerwa nemashiripiti vamwewo vachiti moto uyu unogona kungotanga woga zvichienderana nenzvimbo

×