Zvirimwa zvakatsva

MAMWE Madzishe ekuGokwe ochema-chema nenyaya yekutsva kwakaita zvirimwa kuburikidza nezuva rakapisa mudunhu iri uye vanoti vanoda kubatsirwa nezvekudya sezvo mhuri zhinji dzakatarisana nenzara.

Ishe Njelele, VaMisheck Njelele (51), vanoti dunhu rose reGokwe harina kumbobvira rakatsvirwa nezvirimwa kusvika padanho regore rino izvo vanoti zvinoda kuti ivo semadzishe neHurumende vaise misoro pamwe chete kuti vanhu vawaniswe zvekudya. “Zvirimwa zvatinorarama nazvo zvakaita sechibage, nzungu, nyimo nezvimwewo zvakapera kutsva zvekuti hatisisina tariro nekuti mashanga akatodonha pasi,” vakadaro Ishe Njelele.

“Mvura yakauya yakawanda ichibva yazoenda zvachose, zvirimwa ndokutsva. Tine varimi vashoma vanorima mumapani nevanodiridzira avo vane tarisiro yekuwana zvirimwa zvishoma zvikuru sechibage. Asiwo tine makoronyera anonzi ari kuenda kuvarimi ava vachitenga chibage ichi chiri muminda vonyorerana pasi navo,” vakadaro Ishe Njelele.

Ishe Njelele vakayambira varimi vemudunhu ravo kuti vangwarire kurozvwa nemakoronyera aya.

“Iyambiro yangu sashe kuti vanhu vasiyane nezvibvumirano zvakadai nekuti vachazoguma vave kutorerwa zvipfuyo zvavo nemimwe midziyo nevanhu ava,” vakadaro.

Zvakadaro, vanoti varimi vakawanda vemudunhu ravo kare vairarama nekurima donje asi vakaregera zvichitevera mutengo waro wakadzikira zvikuru kumisika.

“Tairarama nedonje muno zvino harichatengwa zvakanaka. Izvozvi kutenga bhagidhi rechibage iUS$10 uye tinotarisira kuti mutengo uyu uchakwira munguva pfupi iri kutevera,” vakadaro.

“Hakuna kwatinoti kwakaibva kuno kuGokwe yose kubvira kuno kwangu, kwaNemangwe, Chireya, Madzivazvido, Mashame, Gumunyu, Nembudziya, Makore, Goredema, Chimuchembo, Nenyunga, Mukoka, Jiri, Mutendi, nedzimwe nzvimbo dzakasiyana tinoda kudya kuno. Hongu tinonzwa kuti nyika yose kwakatsva asi tinozvichemera isu toga,” vakadaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×