Varairidzi 9000 vanogona kurasikirwa nemabasa

VARAIRIDZI vanosvika 9 000 avo vasina kudzidzira basa vangangorasikirwa nemabasa panguva iyo bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari riri kutora matanho ekusimudzira maticha akafundira basa iri.

Muhurukuro nebepanhau reThe Herald vachangobva kutura mashoko avo kune vadzidzi veJoint Command and Staff Course nhamba 28 paZimbabwe Staff College, muHarare, gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vakati bazi ravo riri kukurudzira varairidzi vakafundira mabasa kuti vanyore magwaro ekutsvaga mabasa enzvimbo dzesekondari nepuraimari dzakatekeshera nenyika.

“Varairidzi vose vakafundira mabasa vasina mabasa vanofanira kumawana. Vese vakapinzwa mabasa nerweseri vachisainiswa makondirakiti emanyepo kuti vange vachishanda sevarairidzi vanofanira kubviswa kuitira kuti paiswe vanhu vakafundira mabasa iwayo,” vakadaro.

Dr Dokora vanoti chirongwa chemhando iyi chinofambirana nezvakabuda mutsvakiridzo yakaitwa maringe nekusimudzira dzidzo muna ya1999 yeNziramasanga Commission.

Vanoti chirongwa chekutsvaga vadzidzisi vakafundira basa chichange chichipera kutanga kwemwedzi waChivabvu gore rino.

Dr Dokora vanoti zvakare ino yave nguva yekusimudzira nyaya dzedzidzo kuburikidza nekuvamba chirongwa cheProfessional Educational Council of Zimbabwe kuti kudzidziswa kwevana kunge kuchienzaniswa munyika yose.

Vanoti zvisinei nematambudziko akatarisana neZimbabwe, Hurumende iri kuedza napose painogona kuti ione kuti dzidzo yemunyika yaramba iri yemhando yepamusoro.

Dr Dokora vanoti chirongwa cheNziramasanga Commission chine donzvo rekudzoreredza hunhu kana kuti “ubuthu” kuti zvive izvo mwongo wedzidzo munyika.

Vanoti ubuntu kana kuti hunhu inzira yevanhu vatema vemuAfrica yeratidza hunhu hwavo izvo zvinoita kuti vasiyane nevamwe vose pasi rose asi vachiwadzana mune izvo zvinogamuchirwa sezvinhu zvakanaka nemunhu wose. — The Herald.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×