zimbabwe iri kupemberera

Tandayi Motsi
ZVIZVARWA zveZimbabwe svondo rinouya zvichabatana mukucherechedza gore rechi35 kubva nyika ino yawana kuzvitonga kuzere kubva kuhudzvanyiriri hwemabhunu, iro richavako nemusi weMugovera 18 Kubvumbi.

Zuva iri rakakosha zvikuru munhoroondo yenyika ino nekuti rusununguko rweZimbabwe haruna kuuya nyore asi kuti kune magamba akazvipira kurwisa vapambepfumi.

Mamwe emagamba aya akaradzikwa kumarinda akasiyana anosanganisira paNational Heroes Acre, muHarare, pamwe nemunzvimbo dzakasiyana kumativi mana enyika.

Kune vamwe zvakare vari kumarinda ari kunze kwenyika kwakaita sekuMozambique nekuZambia.

Zvakakosha kuziva kuti vanhu vatema vaidzvanyirirwa nemabhunu izvo zvakaita kuti pazorwiwa hondo yerusununguko, inodaidzwa kuti Chimurenga Chechipiri.

Zvakadaro, rimwe remagamba akavigwa paNational Heroes Acre ndiSenator Chief Rekayi Magodo Tangwena.

Cde Tangwena vakafa musi waChikumi 10 mugore ra1984 mushure mekurwara kwenguva pfupi apo vakange vave nemakore 74 okuberekwa.

Vakavigwa paNational Heroes Acre musi waChikumi 16 1984. Cde Tangwena vakange vari mambo kwaTangweana, kuNyanga uye vakashinga vachiramba kuti vanhu vavo vabviswe nemabhunu munzvimbo yeGaerezi.

Mukuramba kwavo kubviswa munzvimbo iyi, Cde Tangwena vaiti ivhu vakariphwa naMwari uye raive remadzitateguru nekudaro hazvaiita kuti vabviswe.

Vakatanga kupinda munyaya dzematongerwo enyika nekuda kwehudzvanyiriri hwaiitwa nemabhunu apo vanhu vatema vaitorwa senhapwa.

Vapambevhu vakasvika pachidanho chekutumira matarakita nema”bulldzoer” pamwe nemauto kuti vanobvisa vanhu vekwaTangwena nechisimba zvikaita kuti vatizire mumakomo.

Panguva iyi, Cde Tangwena vakabva vataurira rimwe gamba remagamba ehondo yeChimurenga, mushakabvu Cde Herbert Chitepo, pfumvu yavaioneswa nemabhunu.

Cde Tangwena vakabatsira mutungamiri wenyika President Mugabe, pamwe chete nemushakabvu Cde Edgar Tekere, kuti vayambuke muganhu weZimbabwe kuenda kuMozambique panguva yehondo iyi.

Vanhu vemudunhu ravo vakabatsira zvakare zviuru nezviuru zvevakomana nevasikana zvaienda kuhondo kuyambuka muganhu uyu, kuvapa zvekudya, zvekupfeka pamwe nepekurara.

Cde Tangwena, avo vakange vasingatyi kumiririra kodzero dzevanhu vatema, vakasarudzwa kuve Senator pakawana Zimbabwe kuzvitonga muna1980 uye vaive vakazvipira kusimudzira budiriro yenyika.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×