MUBATI wepagedhi weArsenal, Petr Cech, ndiye akahwina mubairo weCzech Republic Player of the Year ndokunyora nhorowondo kuve mutambi wekutanga kuhwina mubairo uyu kasere.
Mutambi weSparta Prague, David Lafata, uyo akahwina mubairo uyu mugore ra2014 – akauya pechipiri kozoti Vladimir Darida weHerta Berlin yekuGermany akapinda pechitatu pakuvhoterwa kwakaitwa nevamwe vatambi, varairidzi, vatungamiri venhabvu vakasiyana pamwe nevatori venhau.
Cech, uyo aimbotambira Chelsea kare, akatanga kuhwina mubairo uyu mugore ra2005 apo akabatsira maBlues kuhwina mukombe wavo wekutanga wePremier League kwemakore 50.
Shasha iyi, iyo ine makore 33 okuberekwa, yakabva kuStamford Bridge ndokuenda kuEmirates pakapera mwaka wegore radarika mushure mekunge yahwina mikombe mina yePremier League uye neChampions League.
Akanyora nhorowondo zvakare mushure mekuve mutambi wekutanga anove mubati wepagedhi akatamba mitambo 220 asina kumbonwiswa nechikwata ichi.
Cech akakuvara gumbo rake nguva yadarika apo maGunners aari kutambira akakundwa neSwansea mumutambo weligi kunhandare yeEmirates. Anotarisirwa kunge adzoka mushure mekunge mitambo yeligi yasimudzirwa zvakare masvondo anotevera. — Sky Sports News




