
MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanoti zvipatara zvinorapa gomarara munyika muno zvichiri zvishoma kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevarwere vanoda kubatsirwa.
“Pari zvino, nyanzvi dzinorapa gomarara remhando dzakasiyana munyika muno dzinowanikwa muHarare pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals neBulawayo bedzi. Saka ndiro dambudziko guru rakatarisana nenyika ino kana takatarisa huwandu hwevarwere vari kushungurudzwa negomarara,” vanodaro.
Vanoti ongororo yakaitwa nesangano reCancer Registry inoratidza kuti gomarara rine mukurumbira munyika muno kumadzimai nevarume ndere Caposi Sacoma, iro rinobata nhengo dzemuviri dzakaita semuromo pamwe neganda uye mugore ra2015 raitambudza vanhu vanosvika 2 866.
Dr Manangazira vanotiwo mugore rimwe chete iri nyaya itsva dzegomarara remuromo wechibereko kuvanhukadzi dzaive 2 294.
“Muna 2013, vanhu 6 548 vakabatwa negomarara reCaposi Sacoma uye mukati mavo vanhukadzi vaive 4 637 zvinoreva kuti huwandu hwevanhu vane gomarara remhando iyi hwakanyanya huchiteverwa negomarara remuromo wechibereko,” vanodaro Dr Manangazira.
“Huwandu uhu hunogona kunge hwakawanda kudarika apa nechikozero chekuti kune vamwe vanhu vanouya kuzovhenekwa asi vachiregedza kuzotora zvinenge zvabuda mushure meongororo uye havasi vose vanouya kuzovhenekwa gomarara nezvikozero zvekushaya mari kana ruzivo maringe nedenda iri.”
Dr Manangazira vanoti huwandu hwevanhu vari kutambudzwa nechirwere chegomarara huri kuramba huchiwanda nekuda hweutachiona hweHIV sezvo zvirwere zviviri izvi zviine kakudyidzana.
“Tichiri mushishi kuedza kurwisa utachiona hweHIV nekudaro huwandu hwevanhu vari kutambudzwa neutachiona uhu huchakawanda zvinova zviri kufambirana nehwevane gomarara nekuti pane hoche-koche iripo pakati pezvirwere izvi.
“Vanhu vanofanira kuziva zviratidzo zvegomarara kuti vakasike kurapwa kana kudzivirira gomarara risati rakomba. Zvimwe zvezviratidzo zvacho zvinogona kuuya nenzira yakadai sekubuda ropa kusikarudzi, kubuda kwetsvina muchibereko nekurwadziwa,” vanodaro.
Kuti munhu azive kuti ane gomarara, anofanira kunovhenekwa nemachiremba apo vanotora tsvina yemuchibereko kana kuti kucheka kanyama kanovhenekwa kuti kaonekwe kana kasina masero egomarara (cancer cells).
“Kana pachinge paonekwa kuti munhu ane gomarara, chibereko chinogona kubviswa kana kuti nzvimbo inenge yakanganiswa inopiswa kana kuvhiiwa (radio therapy).
“Kune gomarara remuchiropa neHepatitus Virus, izvo zviri kudzivirirwa nebazi rezveutano. Tiri kurapa zvakare chirwere chebharaziya (bilhazia) kuvana muzvikoro nekuti takaona kuti chirwere ichi ndicho chimwe chiri kukonzera kunyuka kwegomarara remudundira (bladder).”
Dr Manangazira vanoti Hurumende, yakabatana nesangano reWorld Health Organisation (WHO), iri kudzivirira chirwere cheHuman Papapilloma virus kuvanasikana vane makore 9 kusvika 13 okuberekwa kuitira kuti vasabatwe negomarara remuchibereko.
“Kuvanakomana nevarume, tiri kufambisa chirongwa chekuchecheudzwa kwavo nekuti kunobatsira mukuderedza chirwere chegomarara. Murume asina kuchecheudzwa anokwanisa kutapurira utachiona kumudikani wake pabonde sezvo ganda renhengo yake (foreskin) richichengeta tsvina neutachiona zvinova zvinomutsa kunyuka kwegomarara remuchibereko.
“Tinokurudzira zvakare madzimai kuti vaende kunovhenekwa gomarara kamwe chete pagore nemichina mitsva yaveko inoratidza pekare-pekare, yeVisual Inspection with Acetic Acid and Cerviography (Viac), kuti vazive pavamire,” vanodaro Dr Mangazira.
Vanoti gomarara remuromo wechibereko rinogona kutapuriranwa uye rinowanzobata vanhukadzi vave kuita zvepabonde.
“Zvinotora makore anogona kudarika gumi kuti gomarara ringe richizobuda zviratidzo zvaro saka kukasika kuvhenekwa kunobatsira kuti ridzivirirwe risati rapararira.
Dzimwe mhando dzegomarara dzinosanganisira gomarara rekumashure (anal cancer), repanhengo yevarume (penal caner), sikarudzi yemunhukadzi (vulval cancer) nedzimwe dzakasiyana nekuti gomarara rinogona kubata kana ipi zvayo nhengo yemuviri,” vanodaro.



