Chabvondoka kuArenel Under-17

Abel Ndooka
ACHANGE ari makuwerere neMugovera svondo rino pachikoro chePrince Edward muHarare apo pachatambirwa mutambo weNational Association of School Heads Arenel Under-17 Soccer Tournament Finals. Zvikwata 12 ndizvo zvichakwikwidza mufainari izvo zvinoti 10 zvekumapurovhinzi akasiyana, shasha yegore radarika inova Mavhuradonha High nePrince Edward.

Zvikwata zvose zvinotarisirwa kusvika musi weChishanu apo pachaongororwa vatambi, mitambo yacho ichazotanga musi weMugovera uyewo fainari ichiitwa neSvondo.

Shasha yegore rino ichahwiniswa mari inosvika $5 000 pamwe nemukombe nemenduru dzegoridhe.

Tournament director wemutambo uyu, Mandibhuya Mutepfa uyo akataura akamirira kambani yeArenel iri kukotsvera makwikwi aya anoti chishuwo chavo kusimudzira mutambo uyu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *