Vadzidzi vopangana mazano ezveupfumi

Daphne Machiri
MIDLANDS State University yakaparura chirongwa chetsvakiridzo, chinodaidzwa kuti First International Research Conference, icho vadzidzi vanopanana mazano pamusoro pezvingaitwe mukuvandudza upfumi hwenyika. Chirongwa ichi chine vadzidzi vekumayunivhesiti akasiyana muZimbabwe pamwe nevekune dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa neBotwsana.

Vachitaura pakuparurwa kwacho kuVictoria Falls nguva pfupi yadarika, MSU Pro-Vice Chancellor (Research and Academic Affairs), Professor Victor Muzvidziwa, vakati zvakakosha kuti vadzidzi vashandise hunyanzvi hwavo mukusimudzira budiriro yenyika.

“Chirongwa ichi ndechekuburitsa tsvakiridzo dzingaitwe kusvika gore ra2063 mukusimudzira upfumi hwenyika kubudikidza nezviwanikwa zvakaita sezvicherwa muAfrica,” vakadaro. Chakaparurwa pasi pedingindira rinokurudzira kuvandudzwa kweupfumi hwenyika rinoti: “Driving Socio-Economic Development Through Value Addition and Sustainable Use of Resources”. “Donzvo riripo ndere kusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nemaindasitiri nekuchengetedza zviwanikwa,” vakadaro Prof Muzvidziwa.

Vanoti kana vadzidzi vekumayunivhesiti vakapihwa mikana yekushandisa ruzivo rwavo zvizere, nyika inobudirira muzvikamu zveupfumi zvakasiyana sezvo vari ivo mwongo webudiriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *