Chabvondoka kuMayor’s Challenge Cup

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwi anonzwa kuCity Sports Centre muguta reHarare nemusi weMugovera uno, apo shasha dzekarate dzichabandana mumutambo weInternational Karate Organisation Kyokushin Budokan Mayor’s Challenge Cup.

Mutambo uyu uri kurongwa nesangano reKyokushin Budokan Zimbabwe, rakabatana neHarare City Martial Arts Club.

Vatambi vanodarika 300 kubva kuzvikwata zvemapurovhinzi akasiyana-siyana enyika vari kutarisirwa kuzokwikwidza mumutambo uyu, unove wekutanga kurongwa nemapoka maviri aya.

Muhurukuro neKwayedza, munyori mukuru kusangano reKyokushin Budokan Zimbabwe pamwe nekuHarare City Martial Arts Club, Sempai Piniel Nzvenga, anoti vari kumhanya-mhanya kuti mutambo uyu ubudirire.

“Svondo rino, kuchange kusina kumira mushe kuCity Sports Centre, uko shasha dzekarate dzinobva kumapurovhinzi akasiyana-siyana dzichauya kuzobandana pamutambo wekutanga weInternational Karate Organisation Kyokushin Budokan Mayor’s Challenge Cup.

“Tiri kutarisira kuti kuchauya vatambi vakawanda sezvo kutaura kuno vazhinji vakatonyoresa kuti vazokwikwidze mumutambo uyu.

“Isu rimwe donzvo redu nderekusimudzira mutambo uyu kubva kumazera echidiki, naizvozvo vatambi vachakwikwidza vari kutangira kumazera evechidiki kusvika kuvakuru uye uchange uri wevanhurume nevanhukadzi,” anodaro.

Mutambo uyu uchashandiswa zvakare kuumba chikwata chenyika chichatumirwa kumitambo yakasiyana-siyana yekunze.

Sempai Nzvenga anoti hutungamiri hweZimbabwe Karate union (ZKU) huchauya kuzoona mutambo uyu, huchiongorora vatambi vanokwanisa kuzopinda muchikwata chenyika.

“Tiri kukurudzira vatambi vose vachauya kuzokwikwidza mumutambo uyu kuti vasunge dzisimbe nokuti pachange paine hutungamiri hweZKU, huchitarisa vatambi nechinangwa chekuumba chikwata chenyika.

“Saka uyu mukana mukuru uye wakakosha zvokuti unogona kushandura upenyu hwevatambi vakatsaukana-tsaukana,” anodaro.

Vatambi vachahwinha pamutambo uyu vachawaniswa mibairo yakasiyana-siyana; vechidiki vachapihwa mabhuku nekuwaniswa mabhezari ekuenda kuchikoro.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *