Chairman onanga Namibia

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva — Tinashe “Chairman” Mwadziwana — anoti pari zvino ari kugara musango achiita gadziriro yekuzosangana naNathanael Kakololo wekuNamibia.

Vatambi vaviri ava vacharwira bhande reAfrica Boxing Union Africa Featherweight Title iro rina Kalololo nemusi wa27 Kukadzi kuNamibia.

Muhurukuro, Chairman anoti ari kugadzirira zvakasimba kuti agohwina sezvo gore radarika rakapera akangogara zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Ndiri kushanda nesimba nekuti ndakapedza gore rese ndisina kumborwa nekuda kweCovid-19. Ndange ndakangogara asi ndichiita gadziriro dzangu nekuti ndaiziva kuti mukana unogona kungonyuka wekurwa saka ndakagara ndakagadzirira.

“Mutambo wandakatarisana nawo mukuru saka zvinotoda kuti ndishande nesimba kuti ndigokwanisa kuhwina.

“Kune dzimwe nyika vange vachitamba tsiva asi muno takamira nekuda kweCovid-19. Asi tange tichishanda zvedu tiriko kudzimba dzedu tichimirira mukana pawaizomuka wekutanga kukwikwidza asi hausati wauya muZimbabwe ndiko saka tave kuenda tichinorwa kune dzimwe nyika,” anodaro Chairman.

Mutambi uyu gore radarika aifanirwa kurwa naPaulus ‘The Rock’ Ambunda wekuNamibia asi mutambo wavo wakazomiswa nekuda kweCovid-19.

Kubva kare, Chairman anoti Ambunda ndiye waanoda chaizvo kumbosangana naye sezvo anoona sekunge matambiro avo tsiva akada kufanana.

“Mutambo waAmbunda ndakautarisira kwemakore zvekuti padiki ndainge ndatosangana naye. Asi kuuya kweCovid-19 kwakakanganisa zvakawanda uye ndikarasikirwa nemikana yakawanda chaizvo.
“Asi ndinoziva hangu kuti mimwe mikana ichauya mune remangwana uye naAmbunda tichasangana zvedu manje-manje, hapana chinombotadzisa,” anodaro Chairman.

Mwadziwana anoti ari kutarisira kutevera matsimba emumwe mutambi wetsiva wemuno, Revai Madondo, uyo akasimudza mureza wenyika svondo radarika apo akahwina kuTanzania uko akakunda Stumai Muki wekunyika iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×