Chechi yokoshesa utsanana

Munyori weKwayedza
CHECHI yeJohane Masowe weChishanu iri kuUnit N Extension, kuChitungwiza – iyo inonyanya kuzivikanwa nekunzi Bonservia Johane Masowe ichitungamirirwa naMadzibaba Bond Bonservia Gumira – inoti inokoshesa utsanana mune zvose zvainoita nedonzvo rekudzivirira kunyuka kwezvirwere.

Madzibaba Bond vanoti vakacheresa chibhorani pamasowe avo ndokuisa magetsi anoshandisa moto wezuva pamwe nekuvakisa zvimbuzi zvinoshandisa mvura yemupombi.

“Kare, chinamato chechipositori chaitarisirwa pasi zvikuru kuchinzi mapositori vakasarira. Zvino isu veJohane Masowe Bonservia taratidza musiyano pano. Takaisa mvura inobva muchibhorani ichidhonzwa nemagetsi ezuva uyewo zvimbuzi zvedu ndezvechizvino-zvino.

“Kana tikada kubika ndisu, yekunwa yacho yakachena, muzvimbuzi tinoshandisa mvura yemupombi,” vanodaro Madzibaba Bond.

Madzibaba Jonathan Chikasha – avo vanoona nezvekudyidzana neruzhinji – vanotiwo chechi yavo inokoshesa utsanana.

“Tinoti nzvimbo inonamatirwa ngaivandudzwe kwete kunamatira mukati memhindo, ivo vanouya vachibatsirwa havatye kusvika pasowe redu,” vanodaro.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *