Chenjedzo kuvarimi vemuriwo

Farm3
VAJUSTIN Chipongo

Malven Mugadzikwa
IMWE nyanzvi yekurima mbesa dzemuriwo yoti varimi vanofanira kurima mbeu inenge yakauchikwa sezvo iriyo inovapa pundutso mumabasa avo. VaJustin Chipongo avo vanova nyanzvi yekurima miriwo yakasiyana vachishandira papuprazi reNew Donnington Farm kuNorton vanoti kazhinji varimi vakawanda vanowanzorima mbeu yemuriwo yavanenge vatora kubva pazvirimwa zvavo izvo zvinodzikisira mhando yechirimwa pamwe chete negoho.

“Vazhinji vanorima mbesa dzemuriwo  kana matomatisi vachishandisa mhodzi dzinenge dzabva pamuriwo wavanenge varima voga. Izvi pane dzimwe nguva zvinobatsira asi kazhinji kacho kunaka kwechirimwa kunowanzodzikira kana zvichienzaniswa nemhodzi dzakauchikwa. Varimi ndinovakurudzira kuti vashandise mhodzi dzakauchikwa uye kutevedzera maisirwo anofanira kuitwa mufudze pamwe chete nefetereza,” vakadaro VaChipongo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×