Sharon Kwinjo: Shasha yepaArundel Girls High

Ed3
Sharon Kwinjo

Nyasha Mutena
MUMWE wevana vakadadisa nguva pfupi yadarika mumakwikwi eHarare Provincial Merit Awards nekupihwa mibairo zvichitevera kubuda kwaakaita nezvibodzwa zvinonwisa mvura mubvunzo dzeO-Level dzegore rapera, anoti vana vechikoro vanofanirwa kushanda nesimba muzvidzidzo zvavo kuti vagove neramangwana rakajeka.

Sharon Kwinjo, uyo ari kuita Form 5 paArundel Girls High, akabuda nemaA oga-oga mubvunzo dzegore rapera dzeO-Level muzvidzidzo zvinoti Biology, Chemistry, Physics, Accounts neEnglish Literature.

Ari kuita zvidzidzo zveBiology, Chemistry, Accounts neMathematics.

Vamwe vanasikana, anodaro Sharon, vanotadza kubudirira mudzidzo nenyaya yekubvuma kufuririka nokudaro vanofanira kutsvaga shamwari dzakanaka dzisingavakurudziri kuita misikanzwa inovakanganisa fundo.

“Kushanda nesimba ndiko kunodiwa kuti munhu ubudirire zvakare imwe nyaya ndeyekufurirana.  Ndinosangana nevanhu vanoda kufurira muupenyu asi chinhu chakakosha kusabvuma.

“Ziva kwaunobva munhu ndiko kuti usimukire,” anodaro Sharon.

Anoti anongoshandisa nharembozha pakupera kwesvondo chete izvo zvinomupa nguva yakawanda yekuverenga mabhuku kusiyana nevamwe vana vechikoro avo mazuva ano vanogara vari panhare nguva dzose.

Anoti anoda kuzoita basa rine zvekuita nemainishuwarenzi, rehuActuary kana achinge apedza zvidzidzo zvake zvekuyunivhesiti.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×