Chibuku Road to Fame yodzoka nemutsindo

Muchaneta Chimuka

MAKWIKWI eChibuku Road to Fame, ayo anokotsverwa nekambani inogadzira zvinwiwa zvakasiyana pamwe nedoro yeDelta Corporation uye aine yechinangwa chekusimudzira mitambo yakasiyana pamwe nevaimbi vechidiki, adzoka zvine mutsindo.

Makwikwi aya ari kuitwa panguya iyo Delta iri kucherechedza kusvitsa makore 25 kubva pavambwa mitambo iyi.

Irimayi Muzorewa anova marketing director weDelta Corporation anoti kuchange kuine mibairo yakawanda kune vachakunda mumakwikwi aya.

“Vachatora mubairo wekutanga vachaenda kumba neUSD2,500, wechipiri USD1,500 uye wechitatu USD1,000.

“Kuchizoti pamaNational Finals, vachatora mukombe vachapihwa USD15,000, nhamba yechipiri USD10,000 uye nhamba yechitatu USD7,000 mushure mekusaina makondirakiti,” anodaro.

Anoti chinangwa chemitambo yeChibuku Road to Fame ndechekubura nyanzvi munyaya dzemitambo pamwe nekusimudzira zvipo zviri muvaimbi vemangwana.

Muzorewa anoti mitambo iyi ichatanga munaNyamavhuvhu kusvika munaGumiguru apo panenge pasingadanwi anonzwa.

“Mudunhu reMidlands neMashonaland West, tichange tiri paSpeedway Bar kuKadoma nomusi wa23 mwedzi uno (Nyamavhuvhu). KuMatabeleland North tichange tiri paChinotimba Stadium kuVictoria Falls nomusi wa30 mwedzi uno zvekare. Nomusi wa6 Gunyana, tinenge tiri kuBulawayo neMatalebeland South paKoNjabulo Beerhall. Tichibva ikoko, tichananga kuMarondera mudunhu reMashonaland East, PaGomo Leisure Gardens nomusi wa13 Gunyana. Zuva rimwe chete iri, tichange tiine mitambo yerudzi urwu paHightown Night Bar kuMasvingo kwaNyika,” anodaro Muzorewa.

Anoti nomusi wa20 Gunyana, mitambo iyi ichange ichiitwa muguta guru reHarare paKaluwani Bar kuWhitehouse apowo maNational Finals achaitwa nguva inotevera pazuva richazoziviswa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *