Chidhakwa chinodzingira mudzimai nevana panze

Tafadzwa Mutsotso

MURUME ane marambadoro, uyo anonzi kana adhakwa nedoro anotukidzira mudzimai wake achimudzingira panze zvose nevana husiku, akazochechuka amiswa mudare redzimhosva.Alice Gava akamhan’arira murume wake, John Gumbo, kuHarare Civil Court achiti apfidza nekushungurudzwa.

“Mambo wangu, ndinokumbirawo mundipe gwaro redziviriro, ndanzwa nekutukwa nababa ava. Vanonwa hwahwa zvekuti vanenge vasingachazive zvavari. Vanondituka nemamwe mashoko asingaite pamberi pevana,” akadaro. Gava akaenderera mberi achiti: “Anosvika pamba achiimba zvekuti chero nevana vanomuka, haazvitsvage kuti nguva dzinenge dzafamba, pwere dzichida kuzorora.

Ane tsika yekutimutsa pakati pehusiku, otiburitsa mumba achiti haasi kuda kutiona pedyo naye.”

Gava akati asvika pachidanho chekuti zviri nani kuti asiyane hake naGumbo.

Gumbo haana kupikisana naGava ndokuti apfidza uye achashandura maitiro ake nekuti haadi kuti varambane nemukadzi wake.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Gava gwaro redziviriro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *