Muchaneta Chimuka
NYAYA yemotokari yakaendeswa parimwe garaji riri muHarare kuti inogadzirwa mushure mekunge yaparara mutsaona, iyo iri kutyiwa nevashandi vepo ichinzi iri kutaura nezwi rechirume — gobvu — yave nepamwe sezvo zvichinzi chinhu chiri kutaura ichi svondo rapera chakamboburuka mumota umu ndokuenda pasi payo, pashure ndokudzokerazve pasi pechigaro mumota .
Motokari yerudzi rweNissan Presage iyi iri pagaraji reBudiriro 4 Car Breakers uye mukati mayo, nechepasi pechigaro chemutyairi, mune chinhu chinombofamba-famba, chichifema, nekushita senyoka, icho chiri kunzi chikwambo.
Chinhu ichi chine musoro unenge zizai uyo wakabatanidzwa nenyanga, pakabairirwa tsono uye chakamonererwa nejira dzvuku.
Motokari iyi yakaita tsaona kwaGutu, kuMasvingo, ndokudhonzwa kuti izogadzirwa kuHarare uye inonzi yakaita dzimwe tsaona nhatu apo yaidhonzwa kuti inogadzirwa.
Vanamakanika vemotokari iyi vanoti vakanda mapfumo pasi nekuda kwemashiripiti ari kuitika.
“Nemusi weMugovera takanyatsoona chikwambo ichi chichidzika mumotokari chichibva chanogara pasi pemota. Chakazodzokera panzvimbo yachaive (pasi pechigaro chemutyairi) nemusi weSvondo.
“Zvave kunyanya kutityisa, apa muridzi wayo hapana matanho aari kutora. Dambudziko riripo tine mamwe makasitoma anouya nemotokari dzavo mugaraji medu kuti tizodzigadzira, zvino vave kutya. Mota iyi yave kutidzingira makasitoma nekudaro tava kufunga kuidhonza kuti inogarira nechekure,” anodaro Ronnie Katsiru uyo akapihwa basa rekugadzira motokari iyi.

Katsiru anoti motokari iyi yatova nemasvondo anodarika matatu iri mugaraji ravo. “Patakabva nayo kwaGutu yakaita tsaona katatu kese tisingazive kuti tainge takatakurana nechikwambo. Muridzi wemota iyi anonyepa kuti akatipa RTGS$2 500 yekugadzira mota asi kuti akatipa RTGS$1 100. Takazvipira kumudzorera mari yake,” anodaro.
Chinhu chiri mumota iyi chinonzi chinotaura mashoko anosanganisira kuti, “Muri kudei pano?”, “Ndisiyei musandibate”, “Uri kudei pano iwe?” nekuti “Musandigadzire”.
Kwayedza svondo rapera yakataura neanozviti ndiye muridzi wemota iyi achiti ave kutotyawo nezviri kuitika zvekunzi mumota make mune chinhu chiri kutaura.




