Oshanda Akagarira Pfumo

Kingstone Mapupu
MURUME n’anga wekuHatfield, muHarare, anoita basa rake akagarira kumuromo kana kuti kunopinza kwepfumo uko kunobaya asi iye achirishandisa sechituru.

Sekuru Tichakunda Bote kana kuti Sekuru Katerere (43) vanoti zvavanoita izvi hazvingoitika zvoga, asi kuti zvinogonekwa neshavi rinosvika pavari.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira n’anga iyi pamusha payo ndokuwana achishandira vanhu yakagarira kunobaya kwepfumo.

Pakaita kusagadzikana kwezvinhu pakasvika vatori venhau apo vamwe vanhu vaivepo vakatanga kuita bararamhanya vachitiza kuti vasaonekwe apo vamwe vakanohwanda seri kwechivanze, kusanganisira pasi pemiti yemichero iri pamusha uyu.

“Imi chinangwa chenyu ndecheiko, manzwei vatori venhau chakusvitsai pano? Inguva yangu yekushandira vanhu, chimbodzokerai mozodzoka zvakanaka.

“Chionai vazukuru vangu havachisina kugadzikana zvakanaka, vamwe vanenge vauya kuno voga havadi kuzivikanwa nehama kana nevarume nemadzimai avo kuti vambouya kuno,” vanodaro Sekuru Bote vachiratidza kugumbuka.

Mushure menguva yakati kuti, Sekuru Bote vakazobvuma kutaurwa navo apo vainge vagere pamusoro pepfumo rainge rakaputirwa nejira reretso.

“Mungavinga kuti sekuru vari pano vanoshanda vakagara pamusoro pepfumo? Izvi zvishoma, zvinoratidza kuti shavi riri pano nderehondo, ndere chidzviti,” vanodaro.

N’anga iyi inoti ine mashavi matatu.

“Shavi rehondo iri rinouya pane matambudziko makuru, pane vanenge vachida kubatsirwa, ndiSekuru Tandahuni vanoita izvi. Pfumo rinobaya asi homwe ino haibaiwe kana shavi iri rasvika.

“Vamwe vanozvitora sehuroyi kana kuti masaramusi asi zvinoitika. Inga wani Sekuru Chaminuka vaibairira pfumo padombo vachigara pamusoro pepfumo asi vasingakuvare?” vanodaro.

Munyori uno akaedza kusimudza n’anga iyi pamusoro pepfumo paainge agere aine fungidziro yekuti pane chinhu chaaiva akagarira kuti asabaiwe nepfumo, apo pakawanikwa pasina chinhu uye svikiro iri rakadzvova nehasha richiti raisada kuedzwa nenzira dzakadaro.

“Ooooh imi, ndiyani chaiye akutumai kuzondiedza ini mwana waKaterere? Budai pachena, handinzarwo mhani. Imhosva yei yandaita pano, yekubatsira vanhu here kana kuti yekugarira pfumo? Zvino zvinosanduka pfumo iri rikazonanga kwamuri mukabva pano moita rumwe-rumwe,” vanodaro.

Mumba munoshandira n’anga iyi mune chimwe chigaro chemuti icho inogarira kana yakabatwa nemimwe midzimu isiri wehondo uyu.

“Handibaiwe hongu semabvunziro enyu asi mhinduro yakangofanana nekuti zvimwe chete nekufema kwamunoita, handingakubvunzei kuti sei muri kufema. NdezvaMwari nevadzimu vangu, pfumo iri rinenge rakasvika panyama yangu kumagadziko ehomwe ino asi handinzwe kubaiwa kana kurwadziwa nekukuvara,” vanodaro Sekuru Bote.

Vanoti vakatanga kusvikirwa nemidzimu mitatu vaine makore 11 ekuberekwa apo vaiva pachikoro.

Panguva iyi, vanoti vaigona kukwira pamusoro pemuti wemupuranga kana mimwe yakareba uye vaizongoerekana vave pamusoro payo pasina kuziva kuti vakwira sei.

Chiremba uyu uyo anova sachigaro wezvemutemo (secretary for legal affairs) musangano reZinatha – anoti mashoko ekuti anoshandisa huroyi mubasa rake anoanzwa achitaurwa.

“Hongu, nyaya yekunzi ndiri muroyi iri kufambiswa semoto wesora. Handizive kuti zviri kubva kune vanobva pano vabatsirwa here kana kuti vamwe vanhu vanoda kusvibisa zita rangu. Asi nedzimwe nzira n’anga inonzi muroyi nekuda kwemashandiro ayo,” vanodaro.

Vamwe vanhu vakataurwa navo munzvimbo iyi – vasina kuda kutaurwa mazita avo – vanoti hakuna munhu mupenyu anogarira pfumo asingakuvare.

“Muri kuda kuenda apo pane murume anogarira pfumo? Yowe, vamwe vedu hamutye kurombeswa nhai? Matosvika, ndipapo apo pakamira motokari idzo,” anodaro mumwe murume apo Kwayedza yakange isati yasvika pamba pen’anga iyi.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti n’anga yoga-yoga ine mashandiro ayo.

“Kune zvakawanda zvinoitwa nemashavi echivanhu. Kugarira pfumo hakutoshamisa pane zvimwe zvinoitwa mubasa redu rechivanhu iri.

“Vamwe vanomira mumhepo pasina chavakatsika kana chituru chamunoona. Koitawo vamwe vanofamba mumhepo kana kuturika ngundu netsvimbo dzavo mudenga pasina pazvinobatira.

‘‘Saka musashamisike zvenyu kana kuti tingati huroyi, aiwa. Tine vamwe vanoita matare vakagara pamusoro penyoka yakaita hata asi imi vanhu munobatsirwa hamuzvione,” vanodaro VaKandiyero.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×