CHIGUMURA HANDIKO KUGUMA KWEUPENYU

  • Vorarama nekuzvishandira

  • Vamwe vava nemakambani

VANE mabhisimisi achiri kusimukira vari kutenda Hurumende nekuvapa mikana yekuti vatange mabhindauko anovapundutsa pasi pechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZimAsset.

Zvisinei kuti vamwe vashandi vari kurasikirwa nemabasa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, kune vamwe vave kuita zvinorova apo vari kuzvishandira kunzvimbo dzakaita sekuSiya So kuMagaba, kuMbare, kuGlen View Complex, kuWillowvale nekwaGazaland kuHighfield, muHarare.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vanamuzvinhabhizimisi ava, kusanganisira vanoshandira mumugwagwa weAffirmative, kuWillowavale, uko kuri kugadzirwa zvinhu zvakasiyana asi zviri zvemhando yepamusoro.

VaNgonidzashe Mlambo (32) vekambani yeMax Designs Engineering, avo vanoshandiira kunzvimbo iyi, vanoti kubva pavakaburitswa basa makore matatu akadarika, vakabva vatanga kambani yavo yekugadzira zvigayo zvemhando dzakasiyana izvo zviri kuvafambira zvikuru.

“Ndaimboshanda kukambani yaigadzira zvinhu zvesimbi asi ndava nemakore matatu ndabuda.

“Ndakazotanga kambani yekugadzira zvigayo izvo zvinotengwa zvikuru munguva ino yemwaka wefodya sezvo ndichigona kutengesa zvigayo zvinobvira pazvishanu kusvika gumi munguva duku-duku,” vakadaro.

Vanoti chishuwo chavo ndekuti Hurumende ivabatsirewo mukuti vawane zvikwereti zvemari yekusimudzira mabasa avo.

“Basa redu rine chiedza mune ramangwana asi dambudziko nderekushaya mari inokwanirana kuti tifambire mberi,” vakadaro.

VaJohn Wallason (34) vekambani yeWallason Engineering vanotiwo vaimboshandira kambani yaigadzira zvigayo asi ndokuzogumurwa.

“Apa ndipo pavakatanga kuzvishandira.

“Tinogadzira zvigayo zvemhando yose kusanganisira zvehupfu, zvedovi nezvimwe uye ndine vashandi vanondibatsira mubasa iri,” vakadaro.

Vanoti vanovatengera vanosanganisira varimi vanoita mabhindauko akaita sekukuya dovi.

VaWallason vanotendawo makambani efodya ayo anovapa mukana wekushambadza zvigadzirwa zvavo kuvarimi.

Kwayedza yakaitawo hurukuro nevamwe vane mabhizimisi ekugadzira zvinhu zvakasiyana paGlen View Complex. Ava vanogadzira nekutengesa zvinonhu zvaikaita semawadhiropu, macheya, mibhedha, mateburu, masofa nezvimwe.

VaHardson Chiremwa (50) vanotenda Hurumende nekuvawanisa nzvimbo yekuitira mabhinhauko avo mushure mekunge vaburitswa mabasa kwavaishanda.

“Vamwe taimboshandira makambani anogadzira vhanicha asi tikaburitswa.

“Takazowaniswa nzvimbo ino umo tiri kuita mabasa tiri. Nyaya huru ndeye kuti tiri kushaya kwekutengesera kwatinowana mari yakawanda. Dai zvaikwanisika tawana misika yekunze nekuti makambani atinotengesera anozozvitengesa kunze kwakaita sekuSouth Africa, Botswana neNamibia,” vakadaro.

VaBright Matizha (20), avo vanoita basa rekugadzira waya mumugwagwa waWillowvale, vanotiwo vave nemakore maviri vachirarama kuburikidza nebhindauko iri.

“Ndinoita basa iri nemukoma wangu, Proudy Matizha, uye tasvitsa makore maviri tichirarama naizvozvi. Tinokwanisa kusvitsa mari inodarika US$2 000 pamwedzi,” vakadaro.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×