BHORA PASI: YOGI

  • ‘Ndizvo zvinoita mutambo’

MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu cheDynamos, David “Yogi” Mandigora, anoti zviri kuitika kuchikwata chake pari zvino zvekutatarika munhandare kana chichitamba nezvimwe zvikwata zvinowanikwa mumutambo wenhabvu asi ari kushanda nesimba kuti DeMbare ihwinhe mitambo yayo inotevera.

Yogi pari zvino ari kushoropodzwa zvakasimba nevamwe vatsigiri veDeMbare nekuda kwematambiro ari kuita chikwata ichi.

Izvi zvinotevera kutatarika kuri kuita chikwata ichi, kusanganisira kukwapaidzwa kwachakaitwa 1-0 neWha Wha FC uye nekuita mangange 0-0 neTsholotsho FC.

Vatsigiri vechikwata ichi vari kugunun’una zvikuru naYogi, vamwe vachiti ngaasiye basa vamwewo ndokusvika pakuda kumuita kanyama-kanyama svondo radarika apo DeMbare yakaita mangange 1-1 neTriangle United kuNational Sports Stadium.

Mamiriro ezvinhu aya akatuma Yogi kuti afambe nemamonya kana kuti “mandimba-ndimba” ayo anomuchengetedza nekuda kwekutyira upenyu hwake.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Mandigora anoti zviri kuitika kuchikwata chake pari zvino zvinowanikwa mumutambo wenhabvu.

“Vanhu vanomhanya kushoropodza asi chavanokanganwa ndechekuti Tsholotsho FC yakakunda Harare City 1-0 uye Wha Wha FC yakakunda FC Platinum 2-1 asi vanhu havataure nezvazvo.

“Hameno kuti zvinoshamisa here kuti Dynamos yakundwa kana kuita mangange nezvikwata izvi,” akadaro Yogi. Mumitambo yadarika, DeMbare yange ichitamba isina vamwe vatambi vayo vakaita saSimba Nhivi, Stephen Alimenda, Obey Mwerahari naQadr Amini izvo Yogi anoti zvange zvichidzorera chikwata chake kumashure.

Anoti kubva pakatanga mitambo yePremier Soccer League, DeMbare yatamba mitambo yakawanda izvo zvakakonzeresa kukuvara kwevatambi ava asi hachisiricho chikonzero chekuti vakundwe sezvo zvimwe zvikwata zviine vatambi vazvowo vanombokuvara.

“Kubva mwaka wegore rino watanga, tatamba mitambo yakawanda chaizvo zvekuti zvakakonzera kuti vatambi vedu vamwe vakuvare.

“Tiri kutamba tisina vamwe vatambi asi hatingatarise izvozvo toti ndizvo zviri kutitadzisa kuhwina, zvikwata zvose zvinotoita vatambi vazvo vanokuvarawo.

“Tine vamwe vatambi uye ndinovimba kuti vachabata basa sebasa mumitambo yedu inotevera.”

Zvakadaro, svondo rino DeMbare iri kunanga kuKariba uko ichanosangana neZPC Kariba kunhandare yeNyamhunga. Uyu uchange uri mutambo wekutanga zvikwata zviviri izvi kusangana munhandare iyi zvichitevera kuvhurwa kwayakaitwa nguva pfupi yadarika.

Mandigora anoti mutambo uyu uchange wakavaomera zvikuru sezvo vatambi vake vasina kumbobvira vatambira munhandare iyi.

Anoti zvakakosha kuti vatambi vake vasunge dzisimbe, zvikuru vekumberi kuti vakwanise kunwisa zvibodzwa.

“Chokwadi ndechekuti hatisi kunwisa, tiri kukundikana. Tiri kupotsa mambure mumitambo yedu.

“Asi tiri kushanda zvakasimba nevatambi vekumberi vatinavo pari zvino tichivagadzirira kuti tiende navo kuNyamhunga kunosangana neZPC Kariba. “Chikwata ichi chakatiomera uye gore radarika chakatifemesa chakapotsa padiki chahwina saka uyu mutambo watinofanirwa kunge takangwarira,” akadaro Yogi.

Apo Mandigora akabvunzwa pamusoro pemhirizhonga yange ichiitwa nevamwe vatsigiri veDeMbare kusvika pakupotsa arikitwa svondo rapera, akangoseka ndokukwira mumota make obva pachikoro chePrince Edward, muHarare, apo vatambi vechikwata ichi vaiita gadziriro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×