Chigwaya chiri mudovi

naMuchaneta Chimuka

Hove inonzi chigwaya yakaomeswa iine dovi kudya kwakanakisisa uye kunochengetedza utano nekudzinga zvirwere.

Svondo rino Rufaro Muzavazi Mudereri wekuBindura anotsanangura mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Chikari kana poto, chipunu, zvigwaya zvakaomeswa, dovi, matomatisi, hanyanisi, munyu nemvura.

Mabikiro:

Suka matomatisi, hanyanisi nekuzvichekacheka.

Tora hove wodzinyika mumvura inodziya.

Rasa mvura yacho wocheka hove kuita zvidimbu zvakanaka.

Gadza chikari pamoto woisa hove nemvura shoma, hanyanisi nematomatisi.

Kwidibira zvombokwata kwemaminitsi makumi maviri.

Isa zvipunu zviviri zvedovi wokurunga uchipamhidzira mvura zvishoma nezvishoma

Chiisa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here wozobura.

Munogona kudya nesadza rezviyo, rechibage, remhunga kana remapfunde.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×